Nziyo 87 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo urwu rumbo rwavana vokwaKora. RumboJerusaremu amai venyika dzapasi pose

1Pagomo rinoera ndipo pane guta

rakavakwa naMwari.

2Mwari anoda guta reZioni

kupinda dzimwe nzvimbo

dzose dzomaJakobho.

3Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.

Dzepfunde.

4Ndingagone kudoma veRahabhu neveBhabhironi

kwoti veFirisitia neveTire nevekuItiopia

pakati pavanondiziva

zvichatonzi, “Uyu newoyo akaberekwa imomo.”

5Kana zviri zveguta reZioni,

zvingatonzi, “Nyika iyi neyoyo

yakaberekwa imomo,”

uye kuti Wokumusorosoro

achaita kuti rimire.

6TENZI anonyora mubhuku ravanhu

achitoti nyika iyi neiyi

yakaberekwa imomo.

Dzepfunde.

7Vaimbi uyewo vatambi

vose vanoti,

“Takatubuka mauri.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help