Nziyo 51 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rwiyo rwaDhavhidhi pakauya muporofita Natani iye apinda mumba naBhatishebha.Munamato wokupfidza

1Ndinzwireiwo tsitsi Mwari

pamusana pemwoyochena wenyu

nokuda kwengoni dzenyu zhinji.

Pfudzai kukanganisa kwangu.

2Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu

mundinatsewo kuchitadzo changu

3nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva

uye chitadzo changu chinogara

chiri pamwoyo pangu.

4Imi, imi chete ndimi vandakatadzira,

kwamuri ndakaita zvakaipa

zvokuti zvamakatema zvakarurama

uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka.

5Onai kuti ndakaberekwa muuipi

mai vangu vakabata pamuviri pangu

ndiri muchitadzo.

6Inga wani munoda

chokwadi mukatikati momunhu;

naizvozvo ndidzidziseiwo ungwaru

mukatikati mangu makavandika.

7Ndinatsei nakapazi komuhisopu

ini ndichabva ndachena

ndishambidzei ndibva ndachena

kupinda mazaya echando.

8Regai ndinzwe kufara,

ndipembere nokufara.

Ndifaranutsei pakundityora

mapfupa kwamakaita.

9Dai marega tarisa zvitadzo zvangu

mupfudze zvenyu uipi hwangu hose.

10Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu

muise mandiri mweya kwawo mutsva.

11Musandidzinge pamuri

uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri.

12Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu

mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera.

13Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu

vanhu vanokanganisa,

vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri.

14Ndinunureiwo Mwari kumhosva yokuparadza ropa,

imi Mwari mununuri wangu

rurimi rwangu ruchapururudzira

kununura kwenyu.

15TENZI zarurai miromo yangu

muromo wangu uparidze mbiri yenyu.

16Nokuti hachisi chibayiro chamunofarira imi,

kunyange zvazvo ndaipira mupiro wokupisa

hamaimbofadzwa nawo,

17chibayiro changu kunemi Mwari,

mwoyo wakatyoka-tyoka

mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka

hamushore, Mwari.

18Itirai Zioni zvakanaka sokuda kwenyu;

vakai zvakare masvingo eJerusaremu.

19Ipapo muchafadzwa nezvibayiro

zvakarurama

zvibayiro zvokupisa

uye zvibayiro zvokupisa mutumbi wose.

Ipapo handira dzichapirwa

paatari yenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help