1Ndinzwireiwo tsitsi Mwari
pamusana pemwoyochena wenyu
nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
Pfudzai kukanganisa kwangu.
2Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu
mundinatsewo kuchitadzo changu
3nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva
uye chitadzo changu chinogara
chiri pamwoyo pangu.
4Imi, imi chete ndimi vandakatadzira,
kwamuri ndakaita zvakaipa
zvokuti zvamakatema zvakarurama
uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka.
5Onai kuti ndakaberekwa muuipi
mai vangu vakabata pamuviri pangu
ndiri muchitadzo.
6Inga wani munoda
chokwadi mukatikati momunhu;
naizvozvo ndidzidziseiwo ungwaru
mukatikati mangu makavandika.
7Ndinatsei nakapazi komuhisopu
ini ndichabva ndachena
ndishambidzei ndibva ndachena
kupinda mazaya echando.
8Regai ndinzwe kufara,
ndipembere nokufara.
Ndifaranutsei pakundityora
mapfupa kwamakaita.
9Dai marega tarisa zvitadzo zvangu
mupfudze zvenyu uipi hwangu hose.
10Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu
muise mandiri mweya kwawo mutsva.
11Musandidzinge pamuri
uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri.
12Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu
mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera.
13Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu
vanhu vanokanganisa,
vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri.
14Ndinunureiwo Mwari kumhosva yokuparadza ropa,
imi Mwari mununuri wangu
rurimi rwangu ruchapururudzira
kununura kwenyu.
15TENZI zarurai miromo yangu
muromo wangu uparidze mbiri yenyu.
16Nokuti hachisi chibayiro chamunofarira imi,
kunyange zvazvo ndaipira mupiro wokupisa
hamaimbofadzwa nawo,
17chibayiro changu kunemi Mwari,
mwoyo wakatyoka-tyoka
mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka
hamushore, Mwari.
18Itirai Zioni zvakanaka sokuda kwenyu;
vakai zvakare masvingo eJerusaremu.
19Ipapo muchafadzwa nezvibayiro
zvakarurama
zvibayiro zvokupisa
uye zvibayiro zvokupisa mutumbi wose.
Ipapo handira dzichapirwa
paatari yenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.