Esita 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Ukuru hwamambo Ahasurerusi nohwaModhekai

1Mambo Ahasuerusi aiteresa mutero nyika iyoyo nenyika dzokumahombekombe kwegungwa.

2Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia.

3Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help