1Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara
nokuti kwaari ndiko kunobva ruponeso rwangu.
2Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu
ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo
handizobva ndazunguzwa zvakanyanya.
3Kusvikira riniko iyemi mose muchingoda
kurwisana nomunhu kuti mumuparadze;
munhu anongovawo zvake madziro akatsenhuka
kana sewaya yava kuda kuwa.
4Vanotoronga zvokumuwisira pasi
kubva pachigaro chake chapamusoro
vanofarira kureva nhema
vanopa chikomborero nomuromo yavo
asi mukati mavo vachirengerera
munhu rushambwa.
Dzepfunde.
5Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara
nokuti ndinotarisira kwaari.
6Iye chete ndiye dombo rangu
noruponeso rwangu
ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira
nayo muhondo
handimbozungunutswa.
7Ruponeso rwangu nokuremekedzwa
kwangu zvinobva kuna Mwari
Mwari ndiye dombo rangu rakasimba
nediziro rangu.
8Vimbai naye nguva dzose imi vanhu,
turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu
Mwari ndiye diziro redu.
Dzepfunde
9Voruzhinji vakangoita sefemo zvaro;
vanhu vopamusoro imhute hapana zvavari,
vakaiswa pachikero chinosimuka;
vanotokundwa kurema nefemo zvaro.
10Musavimbe nokuita zvokumanikidza vanhu
kana kutarisira kuwana zvinhu nokupamba.
Kunyange upfumi hukawanda zvahwo,
usaise mwoyo wako mahuri.
11Mwari akataura
ndakamunzwa kaviri kaviri achiti,
“Muridzi woukuru ndiMwari.”
12Uye kuti imi TENZI ndimi mune mwoyochena
nokuti munopa munhu
maererano nezviito zvake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.