Nziyo 41 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi.Munamato womunhu anorwara

1Akakomborerwa munhu

anofunga vanhu venhamo

TENZI anomununura pazuva renhamo.

2TENZI anomuchengeta nokumuraramisa;

achamupa rufaro panyika.

Hamuisi mumaoko avavengi vake.

3TENZI achamusimbaradza

paanenge arere nokurwara.

Munosandura kurwara kwake

muchimupa utano.

4Asi ini ndakati ndinzwirewo ngoni

ndiporeseiwo nokuti ndakakutadzirai.

5Vavengi vangu vanotaura nezvangu

noutsinye vachiti,

“Ko anofa rinhiko iyeyu,

zita rake ritsakatike.”

6Panouya munhu kuzondiona

anotaura achichema-chema zvenhando

iye achitoongorora zvake zvinenge zvakaipa;

kana abuda ndizvo zvaanoparidzira kose kose.

7Vose vanondivenga vanoita kazevezeve nezvangu,

vanotofunga kuti ndichawirwa nezvakatoipisisa.

8Vanoti hazvimbomusiya izvi;

paarere haambopamuka apa.

9Kunyange shamwari yangu chaiyo yapamwoyo

yandaivimba nayo,

yandaidya nayo, yakandimukira.

10Asi imi TENZI ndinzwireiwo ngoni

mundisimudze ndivadzorerewo.

11Ndinobva ndaziva naizvozvo

kuti munofadzwa neni

zvokuti mhandu dzangu

dzinenge dzisina kundikurira.

12Asi imi munenge manditsigira

pamusana pokuvimbika kwangu

mukandiisa pamuri nokusingaperi.

13Ngaarumbidzwe TENZI waMwari waIsiraeri

narini narini.

Ameni Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help