Hagai Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Hagai (538 K.A.A) mumwe wavaporofita vakatumwa naMwari kuvanhu veIsiraeri panguva yavakadzoka kuutapwa. VaIsiraeri pavakadzoka kuutapwa vakasvikoiswa pasi poutungamiri hweSamaria. Vakatangisa kuvaka Temberi yaMwari, asi vakangoti vake vakei ndokubva varegera votangisa kuzvivakira dzimba dzakanakisisa. Apa ndipo pakauya Hagai achitsoropodza izvozvi (1:1–11) uye achivakurudzira kuenderera mberi nebasa rokuvaka Temberi yaMwari. Akavayeuchidza kuti Mwari anoda ururami nokuteerera achivataridza kuti kuipa kwavamwe vanhu kunotapukira nyika yose. Asi akavayeuchidza kuti Mwari ndiMwari mupenyu ane simba (2:6–9) achakomborera vanhu vakeAya ndiwo mamiriro akaita bhuku raHagaiTemberi yaMwari (1:1—2:9)Tarisai upenyu hwenyu. Imba yangu yakaita sedongo (1:1–15)Kunaka kuchaita Temberi yaMwari (2:1–9)Chikomborero chaMwari (2:10–23)Mwari achakukomborerai (2:10–19)Mwari achazunza matenga nenyika (2:20–23)