Vaefeso 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Basa raPauro kune vechirudzi

1Nokuda kwaizvozvi ini Pauro, musungwa waKristu Jesu pamusana penyu imi vechirudzi, ndinonamata kuna Mwari.

2Ndinofunga kuti makanzwa zvebasa renyasha dzaMwari routariri randakapirwa imi,

3rokuti zvakavandika zviya zvakaziviswa kwandiri muchiratidzo, sokunyora kwandakaita muchidimu.

4Mukazviverenga muchaona kunzwisisa kwandinoita zvakavandika zvaKristu

5zvisina kuziviswa kuvanhu mune zvimwe zvizvarwa sokuziviswa kwazvakaitwa naMweya iye zvino kuna vapositori vake vatsvene navaporofita

6zvokuti pamusana peShoko Rakanaka vechirudzi vavawo vagari venhaka navaJudha, uye vava nhengo dzomuviri mumwechete navo uyewo vanhu vanogoverana navo zvakapikirwa muna Kristu Jesu.

7Ini ndakaitwa mushandiri weShoko Rakanaka iroro maererano nechipo chenyasha idzodzo dzaMwari dzandakapiwa nokushanda kwesimba rake.

8Kunyange zvangu ndiri mudukuduku wokupedzisirira kuna vatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa kwandiri kuri kuti ndiparidze vechirudzi upfumi husingatauriki hwaKristu

9uye kuti ndionese vanhu vose urongwa hwezvakavandika zvakanga zvakavanzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa naMwari akasika zvinhu zvose

10kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana–siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga.

11Izvi zvaifambirana nezvirongwa zvavo zvokugara nokugara zvakazozadzikiswa muna Kristu Jesu Tenzi wedu,

12anotipa kuti tive nechivindi nechivimbo chokusvika pana Mwari nokuda kwechitendero chedu maari.

13Naizvozvo ndinokukumbirai kuti musarase mwoyo pamusana pezvandiri kutambudzikira imi. Inga ndizvo zvinokupai kuti murumbidzwe wani.

Munamato waPauro

14Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba

15kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano.

16Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati

17uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo,

18kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive

19rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari.

20Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge

21iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help