Nziyo 29 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Izwi raTENZI rine simba guru

1Ipai TENZI mbiri

imi vokudenga

ipai TENZI mbiri nesimba.

2Ipai TENZI mbiri yezita rake

gwadamirai TENZI

anechiremera chinoera.

3Izwi raTENZI rinonzwika

pamusoro pemvura.

Mwari wembiri anotinhira

TENZI ari pamusoro pemvura zhinji.

4Izwi raTENZI rine simba,

izwi raTENZI rizere nechiremera.

5Izwi raTENZI rinotyora miti yomusidhari

izwi raTENZI rinotyora

misidhari yokuRebhanoni.

6Anoita kuti Rebhanoni, semhuru,

iite chamurambamhuru

uye Sirioni iite sechigondora chikono.

7Izwi raTENZI rinovaima moto.

8Izwi raTENZI rinondengendetsa renje,

izwi raTENZI rinondengendetsa renje rokuKadheshi.

9Izwi raTENZI rinozunza mioku

rinokwazhaura masango

uye mutemberi yake vose vanodaidzira

kuti, “Mbiri!”

10TENZI anogara samambo

pamusoro pamafashamo emvura.

TENZI anogara samambo

pachigaro chake nokusingaperi.

11Dai TENZI angopa simba kuvanhu vake.

Dai TENZI angopa vanhu vake

chikomborero chorugare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help