Tsumo 23 - Shona Common Language Bible(SCLB)

6

1Kana wagara pakudya nomutongi

ziva kuti ndiani ari pamberi pako

2uzvibate kana uri munhu anokara kudya.

3Usaite makaro namachikichori ake

nokuti ndookuti akuone zvauri.

7

4Usazviuraye nebasa kuti uwane upfumi

iva noungwaru wombozororawo

5nokuti unongohuti onei ndizvozvo

ihwo waru waru hutu hwaenda

huchibhururuka kudenga segondo.

8

6Usadye chokudya chomunhu anonyima,

usadokwairire machikichori ake

7nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga

uku achiti idya idya zvako

asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose.

8Ucharutsa misuva yaunenge wadya

kumukudza kwako kunobva kwashaya maturo.

9

9Usapedze nguva uchitaura nebenzi

nokuti richashora basa rezvaunotaura.

10

10Usabvise chitata chomuganhu chakare

kana kupinda muminda yenherera

11nokuti mununuri wavo ane simba

achavarwira achikurwisa.

11

12Isa mwoyo wako mukudzidza

urerekere nzeve yako kumazwi oungwaru.

12

13Usarege kuranga mwana,

ukamurova neshamhu haambofa.

14Ukamurova neshamhu

unomununura kuenda kunzvimbo yavakafa.

13

15Mwanangu kana wakangwara

mukati mako'mu

mwoyo wanguwo unofara.

16Ini ndinobva ndafara mumwoyo

kana muromo wako uchitaura zvakarurama.

14

17Usave neshanje navatadzi mumwoyo mako

asi itya Tenzi zuva rose.

18Pakadaro une ramangwana,

chitarisiro chako hachizoganurwa.

15

19Teerera mwanangu,

iva munhu akangwara

ururamise mwoyo wako mugwara.

20Usaite ushamwari nezviradza zvewaini

kana kuva navanokara nyama

21nokuti chidhakwa neanokara kudya

vachava varombo,

vanotsomwaira nehope

vachapfeka mamvemve.

16

22Teerera baba vako vakakubereka

uye usashore amai vako kana vakwegura.

23Tenga chokwadi

asi usachitengese

tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa.

24Baba womururami achafara

zvisina akamboona.

Anobereka mwana mungwaru

achafadzwa naye.

25Rega baba vako naamai vako vafare.

Rega wakakubereka afare.

17

26Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri

maziso ako aongorore zvandinoita.

27Pfambi igomba rakadzika,

mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana.

28Anogarira segororo

achirasisa varume vakawanda.

18

29Ndiani chaizvo ane jambwa?

Ndiani munhu wenhamo?

Ndiani wokushupika?

Ndiani anopopota?

Ndiani ane mavanga

aasingazivi kwaakabva nako?

Ndiani anotsvukisa maziso?

30Ndavana mubvadzasukwa

vane kamwoyo kokuda kuravira

waini yakaitwa mvenge.

31Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini

painenge yobwaira mukomichi

ichinyatsoti yerere mugurokuro.

32Pakupedzisira inoruma senyoka

igoti ndure kuruma sechiva.

33Maziso ako achaona zvinhu

zvisingazivikanwi.

Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama.

34Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa

kana kurara pamusoro pembambo.

35Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara

vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa

ndichamuka rinhi

ndinoda kutonwazve.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help