Mabasa 23 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Pauro akanyatsotarisana nedare akati, “Hama ndakagara nehana yakachena pamberi paMwari kusvikira pari nhasi.”

2Mupristi mukuru Ananiya akati kune vakanga vamire pedyo naye vamurove pamuromo.

3Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.”

4Vakanga vamire padyo naye vakati, “Unoda kushora mupristi mukuru waMwari here?”

5Pauro akati, “Handina kuziva, hama dzangu, kuti mupristi mukuru nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa nezvemutongi wavanhu vako.’ ”

6Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.”

7Paakataura izvi pakabva pava nokupesana pakati pavaFarisei navaSadhusei. Musangano wakabva wakamukana.

8Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko.

9Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!”

10Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja.

11Usiku hwakatevera, Tenzi akamira pedyo naPauro akati, “Tsunga mwoyo, nokuti sokundipupurira kwawaita muJerusaremu unofanira kundopupurawo kuRoma.”

Bangano rokuda kuuraya Pauro

12Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro.

13Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana.

14Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro.

15Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo.

16Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro.

17Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.”

18Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.”

19Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.”

20Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo.

21Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.”

22Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi.

Pauro anotumirwa nousiku kuna Gavhuna Ferekisi

23Akadaidza vatungamiri vezana vaviri akati, “Paawa yechipfumbamwe mauro ano, gadzirirai masoja mazana maviri navarwi vanotasva mabhiza makumi manomwe navanorwa namapfumo mazana maviri vokuenda kuSezaria,

24muwanisewo Pauro mabhiza okutasva, mumusvitse zvakanaka kuna gavhuna Ferekisi.

25Akanyora tsamba sezvizvi:

26“Ini Kiraudiusi Risiasi,

ndinokunyorerai imi vanoremekedzwa

vaGavhunha Ferekisi ndichikukwazisai.

27Murume uyu akabatwa navaJudha

akanga oda kutouraiwa navo.

Pandakavasvikira namasoja ndakamununura

ndikanzwa kuti muRoma.

28Pandainge ndichida kuziva mhosva yavaimupa

ndakadzika naye kudare ravo.

29Ndakaona kuti vaimupa mhosva dzezvemutemo wavo

asi hapana mhosva yavaimupa inokodzera rufu

kana kuiswa mujeri.

30Pandakaziviswa kuti pane bangano rakaitirwa iye,

ndabva ndamutumira kwamuri pakarepo

ndichiudzawo vari kumupa mhosva

kuti vataure pamberi penyu zvaakatadza.”

31Naizvozvo masoja, sokuudzwa kwavakanga vaitwa, vakaenda naye nousiku vakamusvitsa kuAndipatirisi.

32Mangwana acho vakadzokera kunzvimbo inogara masoja vosiya varwi vamabhisa kuti vaende naye mberi.

33Pavakasvika kuSezaria vasvitsa tsamba iya kuna Gavhuna vakaturira Pauro kwaari.

34Paakaverenga tsamba iya, akabvunza kuti anogara kudunhu ripi. Paakaziva kuti ndeweSirisia

35akati, “Ndichakunzwa kana vari kukupa mhosva vasvika.” Akati ngaachengetedzwe mumuzinda waHerodhi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help