Nahumu 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Chirevo chinonangana neNinivhe. Bhuku rezvakaoneswa Nahumu wokuErikoshi.

YAMBIROKuvirukira Ninivhe nehasha kwaTenzi

2Tenzi ndiMwari weshanje anotsividza,

Tenzi anotsividza, anoviruka nehasha,

Tenzi anotsividza vavengi vake,

anodzvokora vavengi vake.

3Tenzi haakurumidzi kushatirwa

asi simba anaro guru

uye Tenzi haaregi kuranga

munhu ane mhosva.

Muchamupupuri nedutu remhepo

ndimo mune nzira yake

makore ari huruva yetsoka dzake.

4Anotsiura gungwa achiriomesa

anopwisa nzizi dzose

kuBhashani nokuKarimero kuchisvava

pfumvudza yeRebhanoni ichinava.

5Pamberi pake makomo anodedera

zvikomo zvichinyongodeka,

pamberi pake nyika inonyandurwa,

pasi pose

nezvose zvigere mairi.

6Ndiani chaizvo angamirisane

nehasha dzake?

Chaizvo ndiani angapamire

paanenge aviruka nehasha?

Hasha dzake dzinoita

zvokuviruka somoto

matombo achitsemurwa-tsemurwa naye.

7Tenzi akanaka,

inhare yokuhwanda

pazuva rokutambudzika.

Iye anozivawo

vanotizira kwaari.

8Asi nemafashamo

achanyatsoritsvaira panzvimbo paro

achironda vavengi vake kusvikira murima.

9Ibanganoi ramunoitira Tenzi?

Achanyatsotsvaira kupedza

vavengi vake.

Haapamhidzi ruviri

kunyatsovatsividza

10savanhu vakadhakwa nezvokunwa

vacharoromeswa seminzwa yakakochekerana

uye sezvidzitsi zvemashanga zvakaoma.

KuAsiria

11Handiti mamuri makabva

mumwe akarongera Tenzi

chimwe chinhu chakaipa

akapa mazano asina maturo?

Kuna Judha

12Zvanzi naTenzi Mwari,

“Kunyange zvavo vaine simba

uye vakawanda,

vachapfuudzwa vakatsakatika.

Kunyange zvangu ndakambokurwadzisa

handichakurwadzisazve.

13Saka zvino ndava kutyora

joko rake riri pauri

ndigodambura-dambura tambo dzako.”

Shoko kuAsiria

14Tenzi atema chirevo nezvako chokuti

“Zita rako harichafanira

kuramba richiyeukwa.

Zvifananidzo zvako zvokunamata

zvemabwe akavezwa

nezvoutare hwakanyungurutswa

ndichazviparadza mumba

yavamwari vako.

Ndichakuitira guva

nokuti hauna maturo.”

15Inzwai munzwe tsoka dzenhumwa

inouya namashoko akanaka

ichiparidza nezvorugare!

Imi vokwaJudha,

chengetai mazuva enyu makuru

itai zvamakatsidza

nokuti hazvizoitika zvakare

nokuti muipi haachauyezve kuzokurwisa,

anyatsoparadzwa chaizvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help