Jobhu 23 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mhinduro yechitatu yaJobhu kuna Erifasi.Jobhu anoda kuona Mwari

1Jobhu akapindura achiti,

2“Nanhasi uno kunyunyuta kwangu ndekwekupanduka,

ruoko rwake ruri kungondiremera

kunyange ndichiwuwura kudai.

3Dai ndaiziva kwokumuwana

ndaisvika kunyange pachigaro chake.

4Ndaisvitsa kwaari nyaya yangu

ndigozadza muromo wangu nezvokutaura.

5Ndipo pandichaziva zvaanondipindura

ndigonzwisisa zvaanotaura kwandiri.

6Angaite mapitse neni here?

Noukuru hwesimba rake kudaro?

Kwete, anotondinzwa chete.

7Ipapo munhu akarurama

anogona kutaura naye,

mutongi wangu achitosvika pakutonditi

handina mhosva zvachose.

Mwari haabatiki paari

8“Tarirai muone kuti

ndinoenda kumabvazuva asi haako

kumadokero asi handimuwane.

9Ndinomutsvaka kuchamhembe,

asi handimuone kudoti kumaodzanyemba

asi haaoneke.

10Anoziva wani mufambiro wangu

kana akandiedza ndichabuda sendarama.

11Tsoka yangu yakaramba iri mugwara rake

ndakaramba ndiri munzira yake ndisingatsauki.

12Handina kusiyana nemitemo inobva mumuromo make

mazwi omumuromo make ndakaaisa

mudura romumwoyo mangu.

13Chaanenge afunga ndichocho

ndiani angamusandure?

Chaanenge oda kuita anoita.

14Zvaakanditemera achatozviita.

Hazvisi zvoga izvozvo ane zvimwe

zvakawanda mupfungwa dzake zvakadaro.

15Ndokusaka ndichidedera nokutya pamberi pake

ndikangozvifunga chete,

ndinobva ndatonyanya kumutya.

16Mwari akaita kuti ndive mbwende,

Samasimba akandityisidzira.

17Zvakadaro zvazvo rima harina kundipfumbira muromo

akandinzvengesa kuzarima guru.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help