Nahumu 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

KUPARARA KWENINIVHE

1Muparadzi akuvinga

chengetedzaika nhare

yokuzvidzivirira nayo muhondo

garirirai mumugwagwa

sungai dzisimbe

kokai simba renyu rose.

2(Chikonzero ndechokuti

Tenzi ari kudzosera pakare

vokwaJakobho umambo

soumambo hwokwaIsiraeri

nokuti vapambi vakavarozva

vakaparadza matavi avo).

3Nhoo dzamagamba ake itsvuku

varwi vake vehondo vakapfeka

hanzu dzakati piriviri kutsvuka,

ngoro dzacho dzehondo

dzinovakuma serimi romoto

dzaunganidzwa dzaronganiswa,

varwi vemabhiza vorimbinyuka.

4Ngoro dzacho dzehondo

hero besanwa mumigwagwa

dzichivhetemesewa kumhanya

dzichipenya semwenje

dzichipenya semheni.

5Vakuru vakuru vanodaidzwa

vanotatarika vachiendako,

vanomhanyira kurusvingo

varonganisa zvokuzvidzivirira nazvo.

6Misuo yekurwizi yazarurwa

muzinda wamambo, wadumbirwa nazvo.

7Vahosi varo vapfekenurwa hanzu

vaendwa navo

vasikana vanovashandira vachiungudza

vachichema senjiva.

Vachizvirova chipfuva.

8Ninivhe yakaita sedziva

rine mvura yavhozhoka.

Vanodaidzira kuti ngaimire ngaimire,

asi hapana ari kudzokeramo.

9Pambai sirivha.

Pambai ndarama

zvinhu zvavo hazviverengeki

kana upfumi hwezvose zvinokosha.

10Heko kuparara!

Kuparara kuita dongo!

Mwoyo yapera simba

mabvi achirovana kudedera.

Vanhu vose vaita musana,

zviso zvese zvachiti surududu.

11Riripiko zvino iro bako reshumba,

bako reshumba ichiri kuzvinzwa,

kwayaiuyisa nyama yayo

kwaiva navana vayo

pasina chinovakanganisa?

12Shumba yacho yaibvamburira vana vayo

nyama yakakwana

ichidzipira hadzi yayo nyama;

yaizadza mapako ayo nenyama

uye mumba mayo nenyama

yakadanzurwa-danzurwa.

13Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help