Jobhu 34 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Ruenzaniso rwenzira dzaMwari

1Erihu akati,

2“Chinzwai zvandinotaura imi vangwaru

munditeerere, iyemi munoziva

3nokuti nzeve inoedza mazwi

sokuravira kunoita mukanwa chokudya.

4Ngatitarisei kuti chatinoti chakarurama

chinhu chakaita sei tirairidzane kuti chakanaka chii.

Mhosva yaJobhu

5“Nokuti Jobhu anoti

ini handina mhaka

asi Mwari ari kuramba kundiitira zvino ruenzaniso.

6Kutongwa kwangu ndekwenhema,

ronda rangu haripori

kunyange pasina chandakatadza.

7Pano mumwe munhu here akaita saJobhu

anodhadhaira zvake seari kunwa mvura

8asi iye achifambidzana navaiti vezvakaipa,

anofamba navaipi.

9Nokuti vanoti hapana chavanowana

nokufadza Mwari.

Mwari haana chinoshoreka

10“Saka chindinzwai imi vanonzwisisa

zviri kure kwazvo naMwari kuti aite zvakaipa

kana kushaika kworuenzaniso pana Mwari

11nokuti anopa munhu mubayiro wezvaakaita

achiita kuti munhu awane

zvinokodzerana namaitiro ake.

12Ndezvechokwadi kuti

Mwari haamboita zvakaipa,

Samasimbaose haambominamisa ruenzaniso.

13Ndiani akaisa nyika mumaoko make?

Ndiani akawarira pasi pose?

14Dai kuri kuti ambozviti mumwoyo make,

regai abvise mweya wangu nefemo rangu

zvidzokere kwandiri,

15chinhu chose chipenyu chingaparare,

munhu anobva adzokerazve kuvhu.

16Kana muri munhu anonzwisisa

inzwai izvi, teererai zvandava kutaura.

17Asingadi ruenzaniso angatonge here?

Mungade kupa mhosva iye Mururami Samasimbaose here?

18Anoti kuna madzimbo vanhu pasina,

kuna machinda, ovati vanhu vakaipa.

19Asina zvechizivano namachinda

kana kuremekedza vapfumi kupinda varombo

nokuti ndiye akavasika vose namaoko ake.

20Vanofa nenguva isipi

pakati pousiku,

vanhu vanozunzwa vachipfuura,

vane simba vanobviswa kwete namaoko avanhu.

Mwari anoziva zvose

21“Nokuti ziso rake rinoongorora zvinoita munhu;

anoona mafambiro ake ose.

22Hakuna zarima

kana rima rakati kwirindindi

munogona kuhwandwa navaiti vezvakaipa.

23Haana kurongerana nomunhu

nguva yokuti apinde dare raMwari nayo.

24Anoparadza vana masimba, pasina zvokumbobvunza

achiisa vamwe panzvimbo pavo.

25Saizvozvo anoziva mabasa avo

anovapidigura nousiku humwechete vachibva vaparara.

26Anovapa shamhu pamusana pouipi hwavo

vanhu vachizviona.

27Nokuti vakamupa gotsi,

vasina kana hanya nenzira dzake.

28Vakakonzera kuti kuchema kwavarombo

kusvike kwaari.

Akanzwa chichemo chavatamburi.

Mwari anombonyararirei?

29“Akanyarara zvake, ndiani angamupe mhosva?

Akavanza huso ndiani angamuone?

Rungave rudzi kana munhu mumwechete.

30Kuti munhu asiri munamati atonge

kuti arege kuteya vanhu.

31Angati here kuna Mwari

ndakatadza asi handichatadzazve

32zvandisingaoni ndidzidzisei

kana ndakaita zvakaipa handichazviitazve?

33Zvino mubayiro waanopa pakadai

anofanira kuupa samafungiro ako here

iwe usingawirirane nawo?

Ndiwe unofanira kusarudza, kwete ini

kuti chii chamunoziva, tiudzei.

34Vanhu vanonzwisisa vangatoti kwandiri

nevangwaruwo vanondinzwa vangati,

35‘Jobhu uyu haazivi zvaanotaura

zvaanotaura hazvina kunzwisisa mukati.

36Dai zvavo Jobhu aongororwa kusvika pokupedzisira

nokuti anopindura somunhu akaipa.

37Anotowedzera kupanduka

pamusoro pechitadzo chake

achitopamhidzira uipi pakati pake

achitowanziridza mashoko ake

okurwisana naMwari.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help