Tsumo 20 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Waini munyombi

hwahwa mupopoti

anoteteretswa nazvo haana kungwara.

2Hasha dzamambo dzinotyisa

dzakaita sokudzvova kweshumba,

anomutsa hasha dzake,

anorasikirwa noupenyu hwake.

3Kunzvenga gakava chinhu chinoremekedzwa

asi benzi riri rose, pane gakava,

ndoparakadanwa rikadavira.

4Tsimbe hairime pakurima,

pakukohwa inondotsvaka

asi hapana chainowana.

5Zvirongwa zvepfungwa dzomunhu

zvakaita semvura yakadzika

asi anonzwisisa ndiye anoiteka.

6Vanhu vazhinji vanoparidzira

kutendeka kwavo

asi akatendeka chaiye ndiani angamuwane?

7Vakakomborerwa zvavo vana

vomururami anofamba pachokwadi.

8Mambo anogara pachigaro chokutonga

anopepeta zvakaipa namaziso ake.

9Ndiani angati ndine mwoyo wakachena

handina mhosva yechitadzo.

10Kuita nezvikero zvakasiyana-siyana

uye nezvipimiso zvakasiyana-siyana

zvinosemesa kuna Tenzi.

11Kunyange mwana, anoita kuti

vanhu vamuzive nezviito zvake

zvingave zvakanaka kana zviri pachokwadi.

12Maziso anoona nenzeve dzinonzwa

zvose zviri zviviri zvakaitwa naTenzi.

13Usaite ushamwari nehope

urombo hunova hwako.

Svinura maziso ako

kuguta sadza kuchava kwako.

14Munhu anotenga anoti chakaipa, chakaipa

asi akangobvapo avakuzvirova dundundu.

15Kune ndarama namatombo anokosha akawanda

asi miromo yeruzivo

chishongo chinokosha.

16Munhu anomirira chikwereti chomunhu

waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake

ive chitsidzo chokumiririra kwake

chikwereti chomunhu waasingazivi.

17Chingwa chokuba chinonaka

asi mushure chinopinduka

kuita somunhu ane jecha mukanwa.

18Mazano marairanwa,

kurwa hondo hunge matombogara pasi maronga.

19Munhu asingagare pasi namakuhwa

anoburitsa zvakavandika

saka usashamwaridzane nazimwaya

anorotomoka kutaura.

20Munhu anorengerera baba naamai rushambwa

mwenje wake uchadzima muzarima.

21Nhaka yaunowana chimbichimbi

haina chikomborero pakupedzisira.

22Usati ndinoda kudzorera chakaipa

vimba naTenzi achakubatsira.

23Ujarijari nezvikero hunosemesa kuna Tenzi

zvokueresa zvokubiridzira nazvo

hazvina kunaka.

24Tenzi ndiye anotungamirira

munhu pakufamba kwake

ko munhu angazive sei

kuchaenda upenyu hwake.

25Zvine njodzi kumunhu

kukurumidza kupira chinhu kunaMwari

mushure ndopowozofunga

kuti zvino ndaitei.

26Mambo akangwara

anopepeta vakaipa

agovapura nemhuro.

27Mweya womunhu

ndiwo mwenje waTenzi

unovheneka mukati

momuviri wake.

28Mwoyochena, nokutendeseka

ndizvo zvinochengetedza mambo.

Chigaro chake chinochengetedzwa nemwoyochena.

29Mbiri yamajaya iri musimba ravanaro

kuremekedzwa kwavakwegura kuri mukuchena musoro.

30Maronda okurikitwa anosuka uipi

shamhu dzinosuka mukatikati momunhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help