1Soromoni paakapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka,
2Tenzi akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri sokuzviratidza kwaakamboita kuGibheoni.
3Tenzi akati kwaari,
“Munamato wako wawakaita nechichemo chako
chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa.
Imba iyi yawakavaka ndaiita
kuti ive imba inoera
uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi
ziso rangu harichabva pairi,
uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi.
4Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema
sezvaiita baba vako Dhavhidhi
wakatendeseka uri pachokwadi
uchiita naimomo mandakati uite
uchichengeta mirao nezvirevo zvangu
5kana wadaro ndichaita kuti
umambo hwako hwokwaIsiraeri
hudzike midzi narini wose.
Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi
ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika
kuti ini ndishaye munhu womumba
mako wokuzogara pachigaro choumambo.’
6Asi kana mukazotsauka, zviye
zvokunyatsoenda mutome zvenyu,
vangave iyemi kana vana venyu
morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu
nemirao yangu yandakakupai mava
kundonamata vamwe
vamwari muchivapfugamira,
7iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri
panyika yandakavapa. Kanawo
iyo imba iyoyi yandaeresera
nezita rangu ndichaiparadza
zvokusamboda kuzoionazve
mumaziso angu.
Isiraeri inozova tsumo
yavanhu nechiseko chenyika
mukati memarudzi ose.
8Kunyangewo imba iyoyi
yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira
vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa.
Vachatozvimvunzawo vachiti,
‘Ko Tenzi chakaadariro
nyika ino nemba iyi chii?’
9Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti
vakafuratira Tenzi, Mwari wavo
akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti
ndokuti memete navamwe vamwari
vovapfugamira vachivanamata.
Ndokusaka Tenzi akavapinza
munyatwa yose iyi.’ ”
Chibvumirano chamambo Soromoni naHiramu(2 Nhor 8:1–2)10Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo,
11Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya.
12Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo.
13Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.”
14Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu.
Zvimwe zvakaitwa naSoromoni(2 Nhor 8:3–18)15Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru.
16Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa
17ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho
18neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake
19uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
20Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi,
21zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno.
22Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda. Ndovaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vehondo navakuru vakuru vemungoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.
23Ivava ava ndivo makurukota makuru aitungamirira basa raSoromoni iri, vari mazana mashanu ane makumi mashanu avanhu vokuona kuti vanhu vechirudzi ava vari kuita basa racho zvakadii.
24Soromoni akatozovaka chimudhuri chamavhu chacho, mukunda waFarao atobva kuguta raDhavhidhi akwira kuenda kumba yake yaakanga avakirwa naSoromoni.
25Soromoni aigaropira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana katatu pagore paatari yaakavakira Tenzi achipirawo rusenzi kuna Tenzi. Ndokupedza kwaakaita kuvaka imba yaTenzi.
C: SOROMONI MHIZHA YOUSHAMBADZINgarava dzaMambo Soromoni26Mambo Soromoni akagadzira chitsama chengarava kuEzionigebheru pedyo nokuEroti kumahombekombe kwe Gungwadzvuku kunyika yeEdhomu.
27Hiramu akatumirawo nengarava idzi machinda ake akanga ari vanhu vomugungwa, nyanzvi dzezvokufamba mugungwa kuenda pamwechete namachinda aSoromoni.
28Vakaenda kuOfiri vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvina. Izvozvi izvi vakauya nazvo kuna mambo Soromoni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.