1 Johani Zviri mutamba yokutanga yaJohani - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mutamba yokutanga yaJohani Tsamba yokutanga yaJohani ine chinangwa chokukurudzira vanhu kugara upenyu hokunge takabatana naMwari muchiedza nokuchengeta mitemo yaMwari nokubvuma mhosva dzedu pana Mwari (1:5—2:27). Izvi zvakasiyana nokufamba murima, kana kutadzira Mwari, nokushamwaridzana nenyika kana kutevera vadzidzisi venhema. Tsamba iyi inotaurawo nezvokugara savana vaMwari (2:28—4:6). Izvi zvinoreva kuvavarira kufanana naMwari nokuchengeta kwatinoita mitemo yaMwari zvikuru worudo nokuti Mwari rudo. Izvi tinozvikwanisa chete kana tiine rudo nechitendero (4:7—5:12) chokutenda kana kuti kudavira kuti Jesu Mwanakomana waMwari akava munhu anogona kutiwanisa upenyu husingaperi.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaJohaniMazwi okusuma: Jesu ndiye Izwi akava munhu (1:1–4)I: Zvinofanira kuitwa nomunhu kuti afambe muchiedza chaMwari (1:5—2:29)II: Zvinofanira kuitwa nomunhu kuti agare somwana waMwari (3:1—4:6)III: Matsime maviri: rudo nechitendero (4:7—5:13)IV: Mamwe mashoko akapamhidzirwa (5:14–21)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help