Isaya 11 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Umambo hwokwaDhavhidhi hune runyararo

1Naizvozvo pachigutsa chokwaJese

pachatungira nhungirwa,

bukira richamera pamidzi yake.

2Mweya waTenzi uchagara paari

Mweya woungwaru newokunzwisisa

Mweya unopa zano newesimba

Mweya woruzivo newokutya Tenzi.

3Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira.

Haatonge nezvaanoona nameso chete

kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve

4asi kuti achatonga varombo zvakarurama

achipipirira vatamburi vepanyika

uye nyika achairova

neshamhu yomuromo wake

nefemo romuromo wake

anopfuudza vakaipa.

5Ururami ndihwo huchava bhandhe

raanosungisa muchiuno chake,

kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno.

6Mhumhi ichagarisana zvayo nehwayana

mbada icharara zvayo pamwechete nembudzana,

mhuru neshumba nechigondora chakakora

zviri pamwechetewo,

zvichifudzwa zvazvo nemwana muduku.

7Mhou nebere zvichatofura pamwechete

vana vazvo vachirara zvavo pamwechete,

shumba ichafura sora semombe.

8Mwana ari kuyamwa

achatamba zvake pamwena wemhakure

ndumurwa ichiisa zvayo ruoko

mumwena wechiva.

9Hazvizombokuvadza kana kuparadza

mugomo rangu rose rinoera

nokuti panyika pachange zvino pazara

nokuziva Tenzi

sokuzadza kunoita mvura gungwa.

Nhapwa dzichadzoka

10Pazuva iroro, bukira romudzi wokwaJese

richamira sechiratidzo kudzindudzi dzavanhu,

iyeyo ndiye achange wototsvagwa nevechirudzi,

Nzvimbo yake yokugara

ichava nomukurumbira.

11Nomusi iwoyo,

Tenzi achatambanudza ruoko rwake kechipiri

kununura chitsama chakasara chevanhu vake

kubva kunyika idzi dzinoti:

Asiria neIjipiti nePatirosi

neItiopia neEramu neShinari

neHamati nenyika dzokumahombekombe kwegungwa.

12Achasimudzira marudzi avanhu chiratidzo

achikokorodza vasemwi veIsiraeri

agounganidza vanhu vokwaJudha vakamwarariswa

kubva kumativi mana enyika.

13Pfini dzevokwaEfuremu dzichapera,

vanovenga vokwaJudha vachapera.

VokwaEfuremu havachazoitira shanje vokwaJudha

vokwaJudha havazotambudza vokwaEfuremu

14asi vachatoita chirwirangwe

kurwisa vaFirisitia kumadokera

uye pamwechete, vachapamba

vanhu vokumabvazuva.

Vachaita mubatirapamwe

kurwisa Edhomu neMoabhu,

vaAmoni vachavateerera.

15Tenzi achanyatsoparadza

muromo wegungwa reIjipiti,

achavheyesa ruoko rwake pamusoro

peRwizi rwacho

nemhepo yake inopisa zvakaipisisa kwazvo

achirurova achiruparadzanisa

kuita tukova tunomwe

kuti vanhu vayambuke zvavo

vachitsika pasi pakaoma.

16Pachava nomugwagwa mukuru unobva kuAsiria,

wokuitira chitsama chavanhu vake vakasara

sewakaitirwa vaIsiraeri

pavakabuda vachibva

kunyika yeIjipiti.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help