Hosea 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Chiti kuvakomanavanun'una vako, “Vava vanhu vangu,” utaurire hanzvadzi dzako kuti, “Mava kunzwirwa tsitsi.”

Unzenza hwaGomero, hufeve hweIsiraeri

Tsiurai amai venyu!

2Vatsiurei nokuti

havachisiri mukadzi wangu,

uye handichisiri murume wavo,

kuitira kuti vabvise pauso hwavo zviratidzo

zvoufeve hwavo nezvinoratidza ufeve hwavo

zviri pakati pamazamu avo.

3Ndingadaro ndikavapfekenura mbatya

vakasara vangoita sokuuya kwavakaita

musi wavakaberekwa

ndivaite segwenga zvaro,

ndivaite senyika yakaoma

ndikavauraya nenyota.

4Kunyange nemiwo vana vacho,

handisi kuzokunzwiraiwo tsitsi

nokuti muri vana voupombwe imi,

5pamusana pokuti

amai venyu vakaita ufeve,

ivo vakabata pamuviri penyu

ndivo vacho vakaita

zvinhu zvakafumuka

nokuti amai ava vakati,

“Regai nditeveredzane nezvikomba zvangu

zvinondiwanisa sadza nemvura

newuru neshinda yofurakisi

namafuta nezvokunwira-nwira.”

6Naizvozvo ndichasosa

nzira yavo neminzwa

ndigovavakirira nerusvingo

kuti vatadze kuwana nzira dzavo.

7Vacharonda zvikomba zvavo

vagotadza kuzvibata,

vachazvitsvaka vagozvishaya.

Ndipo pavachati,

“Regai ndisve ndadzokera

kumurume wangu wokutanga

nokuti zvakanga zviri nani kwandiri

pane zvazviri nhasi.”

8Havaimboziva kuti ndini ndaivapa

mbesanwa newaini namafuta

uye kuti ndaivapa matutu namatutu emari,

sirivha nendarama yavaishandisa

kunamata zvavo Bhaari.

9Naizvozvo ini ndichavatorera

mbesanwa dzangu panguva yadzo

newaini yangu itsva mumwaka wayo,

ndichabvisa wuru yangu

neshinda yangu yefurakisi

yavaizowana nayo zvokupfeka.

10Iye zvino ndava kuzovafumura

ufeve hwavo ihwohwo

vaonererwe nezvikomba zvavo.

Hakuna kana nomumwechete

achagona kuvanunura mumaoko mangu

11kusasana nokufara kwavo ndichakupedza;

pamwechete namazuva avo makuru

neokugara kwomwedzi yavo

namasabata avo

namamwe mazuva avo makuru avakatemerwa.

12Minda yavo yamagirepisi

nemiti yemionde

ndichaisiya isisina chinhu,

iyo yavaizuwa nayo vachiti,

“Ndizvo zvomuripo wangu izvi

wandakapiwa nezvikomba zvangu.”

Ndichaiita kuti rive sango zvaro

ichidyiwa zvayo nemhuka dzesango.

13Ndichavarangira mazuva makuru

avanochengetera vanaBhaari

pamunopisira rusenzi kwavari

vachizvishongedza nemhete

nezvishongo zvinokosha

vachiteveredzana nezvikomba zvavo

vachitondikanganwa zvavo.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Rudo rwaTenzi navanhu vake

14Naizvozvo chinzwai,

ndichanyengetedza amai venyu

ndiende navo kurenje

nditaure navo zvinovabata mwoyo.

15Ikoko ndokwandichavadzosera

minda yavo yamagirepisi

ndigoita kuti Bani rokutambura

rive musuo wechitarisiro.

Ikokowo vachadaira

sapamazuva avo oumhandara

senguva iya yavakabuda muIjipiti.

16Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.”

17Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita.

18Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai.

19Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi.

20Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.

21Zvanzi naTenzi, “Pazuva iroro,

ini ndichanzwa chichemo chamatenga,

matengawo achanzwawo chichemo chenyika mvura igonaya,

22nyikawo igopindurawo chichemo ichocho

nembesanwa newaini namafuta

zvichipindura chichemo chaMwarianosima.”

23Ndichamusimireni pachangu

munyika iyoyi,

ndichinzwirawo tsitsi, “Mushayirwatsitsi”

ndigoti kuna, “Vasivangu,”

“Imi mava vanhu vangu,”

Vasivangu achizotiwo,

“Ndimi Mwari wangu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help