1Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi
nokuti ndinopotera kwamuri.
Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu
kusvikira dutu rokuparadza rapfuura.
2Ndinochema kwamuri,
Mwari wokumusorosoro,
kuna Mwari Mupedzanhamo wangu.
3Achandinunura ari kudenga ikoko;
achanyadzisa vanonditsikatsika.
Dzepfunde
Mwari achandiitira mwoyochena
uye achave akatendeka kwandiri.
4Ndirere pakati peshumba dzavanhu
dzinongandukira vanhu somoto.
Mazino avo mapfumo nemiseve chaiyo
ndimi dzavo mapakatwa zvawo kupinza.
5Dai mangokudzwa zvenyu imi Mwari
kumusoro kumatenga
mbiri yenyu itekeshere pasi pose.
6Vakanditeya makumbo namambure,
ndadzungaira ini.
Vakachera gomba munzira mangu;
asi vakawira mariri ivo pachavo.
Dzepfunde
7Mwoyo wangu wakagadzikana, Mwari,
mwoyo wakagadzikana;
ndichaimba ndichirumbidza.
8Muka iwe mweya wangu,
mukai imi dimbwa nechipendani
ndimutse mambakwedza.
9Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi.
Ndichaimba ndichikurumbidzai pakati
pendudzi dzavanhu
10nokuti mwoyochena wenyu mukuru
kusvika kumatenga
uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
11Dai mangokudzwa zvenyu Mwari
kumusoro kumatenga
mbiri yenyu itekeshere pasi pose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.