Nziyo 57 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, imbisa saUsaparadze, rwiyo rwaDhavhidhi rwenhetembo yapaakatiza paya Sauro mubako.Munamato wokukumbira rubatsiro

1Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi

nokuti ndinopotera kwamuri.

Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu

kusvikira dutu rokuparadza rapfuura.

2Ndinochema kwamuri,

Mwari wokumusorosoro,

kuna Mwari Mupedzanhamo wangu.

3Achandinunura ari kudenga ikoko;

achanyadzisa vanonditsikatsika.

Dzepfunde

Mwari achandiitira mwoyochena

uye achave akatendeka kwandiri.

4Ndirere pakati peshumba dzavanhu

dzinongandukira vanhu somoto.

Mazino avo mapfumo nemiseve chaiyo

ndimi dzavo mapakatwa zvawo kupinza.

5Dai mangokudzwa zvenyu imi Mwari

kumusoro kumatenga

mbiri yenyu itekeshere pasi pose.

6Vakanditeya makumbo namambure,

ndadzungaira ini.

Vakachera gomba munzira mangu;

asi vakawira mariri ivo pachavo.

Dzepfunde

7Mwoyo wangu wakagadzikana, Mwari,

mwoyo wakagadzikana;

ndichaimba ndichirumbidza.

8Muka iwe mweya wangu,

mukai imi dimbwa nechipendani

ndimutse mambakwedza.

9Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi.

Ndichaimba ndichikurumbidzai pakati

pendudzi dzavanhu

10nokuti mwoyochena wenyu mukuru

kusvika kumatenga

uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

11Dai mangokudzwa zvenyu Mwari

kumusoro kumatenga

mbiri yenyu itekeshere pasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help