Isaya 22 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvaizowira Jerusaremu mumafaro aro

1Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo.

Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga,

mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro

2iyewe uzere mheremhere

guta rebongozozo

guta ramafaro?

Vako vakaurayiwa,

havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa

kana kufira muhondo.

3Vatongi vako vose zvavo

vati ware kutiza pamwechete,

asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta.

Vako vose vangowanikwa, vabatwa,

kunyange vanga vatizira kure kure.

4Naizvozvo ini ndati,

“Ndifuratirei zvenyu

ndicheme zvangu misodzi yeropa.

Regai kuzvinetsa nokundinyaradza

pamusana pokuparara kwomukunda

wevanhu vokwangu, Jerusaremu.”

5Chiripo ndechokuti,

Tenzi Mwari wehondo nehondo

ane zuva rebongozozo

nokutsokodzera nemanyongori

mubani rechiratidzo,

rokuwondomorera pasi rusvingo

nokudaidzira kumakomo.

6Eramu ndoyakapakata mukutu

iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza,

uye vaKiri voisa nhoo pachena.

7Mapani enyu akanakisisa

achiti shutu nengoro dzehondo,

varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo

pamusuo mukuru.

8Abvisa changa chichidzivirira

vokwaJudha.

Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango

9mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi.

10Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa.

11Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa.

12Pazuva iroro

Tenzi Mwari wehondo nehondo

akati vanhu vaungudze kuchema

vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga.

13Hoko kupembera nokusasana

pachibayiwa mombe nehwai

nokudyira-dyira nyama

nokunwira-nwira waini vachiti,

“Ngatidyei tinwe

nokuti mangwana tinofa.”

14Tenzi wehondo nehondo pachake

akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti,

“Havambofa vakaregererwa

uipi ihwohwu

vanofa vakadaro,”

ndizvo zviri kutaurwa

naTenzi Mwari wehondo nehondo.

Kuyambirwa kwaShebhuna naMwari

15Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti,

16‘Chii chauri kuita pano? Waunovimba naye ndiani chaizvo kutozvicherera zvako guva mudombo kudai, iwe unotozvicherera zvako guva mudombo pamusorosoro kudaro uchitozvivezera imba mudombo nhai?’

17Chinzwa, Tenzi achanyatsokuti hupukupu kukukanda kure, iyewe mukweshwa werume. Achanyatsokuti dzvi kukubata agokuvheyesa chamudzungururu

18agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako.

19Ndichakudzinga pabasa, ndigokubvisa pachigaro chako chaunacho.

20Pazuva iroro ndichadaidza muranda wangu Eriyakimu mwanakomana waHirikiya

21ndigomupfekedza gemenzi rako bhanhire rako ndirisunge paari ndigoisa ukuru hwako mumaoko ake, iye achizova baba wavagari vomuJerusaremu nevemba yokwaJudha.

22Iye ndiye wandichatakudza pamafudzi basa rokuva nekiyi dzemba yaDhavhidhi.

“Kana azarura,

hapana anokwanisa kuzarira,

Kana azarira

hapana anogona kuzurura.

23Ndichamuroverera sehoko panzvimbo yakanyatsosimba, achave noumambo hunopa mukurumbira kuimba yababa vake.

24Vemba yababa vake vachamuti memete vakarembera vose paari vana navazukuru semidziyo midiki yose yomumba kubvira kumakapu kusvikira kuzvirongo zvose zvikuru.

25Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help