Habhakuku 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Ndichaenda panzvimbo pangu

pokutarisira ndiri

ndigova panharirire ndakagaririra

ndione kuti achanditaurira kuti kudii.

Uyewo kuti ini ndichapindurei

nezvokunyunyuta kwangu.

2Akandipindura akati,

“Nyora chiratidzo ichi

uite kuti chinyatsoonekwa

chiri pamafendefa

kuitira kuti anoverenga

averengewo achimhanya

3nokuti chiratidzo ichocho

chinomiririra nguva yacho yakatemwa

chiri kumhanyira kumagumo acho;

haasi manyepo.

Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire

zvokuitika, zvinotoitika chete

hazvisikuzombononoka.

4Chinzwa,

‘Munhu ane mwoyo usina kururama

munhu iyeyo achakundikana

asi akarurama

achararama nokutendeseka kwake.’ ”

II: JAMBWA RINOPINZWA MUNHU ANOONESA VAMWE NHAMO

5Uyewo upfumi hunonyengedza,

anozvitutumadza haaregi kurangwa.

Makaro ake aanawo

inzvimbo yakapamhamha seyavachakabvu,

sorufu haambofa akati ndaguta.

Anozvikokorodzera

ndudzi dzavanhu dzose

achizviunganidzira

marudzi avanhu ose

kuaita ake.

6Vose ivava havazomuka here kumunyomba

vachimushora vachimusveeredza vachiti,

“Zvichamuwana zvake.

Anounganidza zvisizvake,

kusvikira rinhiko izvozvi?

Zvichamuperera iye anotakurana

nezvitsidzo zvakawanda!”

Majambwa mashanu– 1 –

7Ivo vane ngava newe

havazoerekana vakupandukira here

kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa

ukava nyama yamagora kwavari?

8Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro,

vanosara mumarudzi ose iwayo,

vachakupambawo iyewe

kutsividza ropa ravanhu

noutsinye ihwohwo pasi pano,

kumaguta nokuvanhu vose vageremo.

– 2 –

9Zvichamuwana munhu anowanira

imba yake zvinhu nenzira yakaipa

kuti azvivakire dendere rake pamusoro

kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza.

10Wakafumura imba yako

nokuuraya vanhu vakawanda

ukazvirasisa upenyu hwako

11nokuti ibwe richaridza mhere

mumadziro

uye kumapango uku

nhungo dzigodairawo.

– 3 –

12Zvichamuwana zvake munhu

anovaka guta neropa

kana kutanga guta pahwaro hwouipi.

13Handiti zvinobva kuna

TENZI wehondo nehondo here

zvokuti vanhu vanoshingairira

zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto

marudzi achizvinetesera pasina?

14Nokuti pasi pano pachazara

noruzivo rwembiri yaTENZI,

sokuzadza kunoita mvura gungwa.

– 4 –

15Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake

nomukombe wehasha dzake

achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere.

16Uchazvimbirwa iwe nokushorwa

panze pokuwana mbiri.

Newewo inwa zvako udzadzarike!

Uchasvika napauri

mukombe uri murudyi rwaTENZI,

mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako.

17Utsinye hwawakaita kuRebhanoni

huchakupfukira,

kuparadza kwawakaita mhuka

kuchakutyisa,

pamusana pokudeura ropa ravanhu

noutsinye hwawakaita pasi pano

kumaguta nokuvagari vemo vose.

– 5 –

18Chifananidzo chokunamata,

ndechebasa rei chaizvo,

icho chakatoitwawo zvacho nomunhu;

kana chifananidzo chokunamata chesimbi

chinodzidzisa nhema?

Nokuti anochigadzira wacho

anovimba nezvaanenge aita,

anoita zvifananidzo zvokunamata

zvisingatauri.

19Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho,

“Domukaiwo nhai,”

neanoti kudombo zvaro risingataure,

“Dosimukai.”

Zvingavewo here nechinhu

chazvingagone kuzivisa munhu?

Zvamunoona kuti

chakanamirirwa ndarama kana sirivha

uye machiri icho

hamuna kana mweya unofema.

20Asi TENZI,

ari muTemberi yake Inoera,

pasi pose ngapati mwiro kunyarara

pamberi pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help