Vafiripi 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuzvidukupisa uye ukuru hwaJesu

1Zvino kana imi muine chinokukurudzirai muna Kristu, muine rudo runokugadzanisai mwoyo, muina Mweya uye muine rudo nomutsa,

2chiitai kuti ndinyatsofara nokuva nomwoyo mumwechete kwenyu muchidana zvimwechetezvo, muchinzwana muine mweya mumwechete.

3Musaite chii zvacho pamusana pokungozvifunga kana pamusana pokuzvikudza. Asi zvirerekei mutore vamwe savari nani kwamuri.

4Munhu ngaarege kungoisa ziso pane zvake chete asi ngaaite hanya nezvavamwe.

5Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti:

6Kunyange zvake akanga ari

zvimwechetezvo naMwari,

haana kuti ndoramba ndakangoomerana

nokuenzana naMwari ikoko.

7Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake

akatora chimiro chomuranda

akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu.

8Ava munhu kudaro akazvidukupisa

akateerera kudzamara pakufa,

rufu rwomuchinjikwa.

9Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro

akamupa zita rapamusorosoro

kupfuura mazita ose;

10zvokuti kuremekedza zita raJesu,

mabvi ose avari kudenga

navari pasi pano navari pasi penyika,

anofanira kumupfugamira

11uye kuti rurimi rumwe norumwe

rutaure pachena kuti

Jesu ndiTenzi kuitira kuti

Mwari Baba varumbidzwe.

Shandira ruponeso rwako

12Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo

13nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda.

14Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo

15kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika.

16Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina.

17Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose

18nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni.

ZvaTimoti naEpafurodhitosi

19Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu.

20Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu.

21Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu.

22Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa.

23Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei.

24Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza.

25Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya.

26Iye akanga achisuwira kwazvo kukuonai mose. Zvakamurwadza kwazvo kuti imi makanzwa kuti iye airwara.

27Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo.

28Nezvo ndinodisisa kwazvo kumutumira kuti mufare kwazvo kumuonazve uyewo kuti ndinge ndinoti gadzanei mwoyo.

29Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai

30nokuti akaisa upenyu rwake parumano zvokutoda kufira basa raKristu kuti andipe rubatsiro rwamakanga musingakwanisi kundipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help