1 Vakorinde 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko rezvaKristu akarovererwa pamuchinjikwa

1Kunyange ini pandakauya kwamuri hama dzangu, handina kuuya ndichikuparidzai chakavandika chaMwari ndichishandisa mazwi akadzama kana oungwaru hunoshamisa.

2Zvandaiva pakati penyu, hapana chandakada kunzi ndinoziva, kunze kwaJesu Kristu uye iye akarovererwa pamuchinjikwa.

3Pandaiva nemi ndakanga ndisina kusimba ndichitya ndichidedera.

4Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba

5kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari.

Ungwaru hwaMwari

6Zvakadaro zvazvo, kune vabve zero, tinopa shoko roungwaru. Asi hausi ungwaru hwapanyika pano kana hwavatongi vapasi pano vari pedyo nokupfuura.

7Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa.

8Hapana vatongi vapasi pano vakazviziva nokuti dai vakazviziva vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Tenzi wembiri.

9Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi,

“Mwari zvaakagadzirira vanomuda

hapana ziso rati razviona

kana nzeve yati yazvinzwa

kana munhu ati ambozviisa mupfungwa.

10Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa

nokuna Mweya,

nokuti Mweya anotsvagurudza zvose

kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari.

11Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu

kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari.

Saizvozvowo hapana angazive pfungwa

dzaMwari kusiya Mweya waMwari.

12Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika

asi Mweya anobva kuna Mwari

kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.”

13Hatitauri izvi namazwi atinodzidziswa noungwaru hwavanhu asi atinodzidziswa naMweya tichitsanangura zvinhu zvechokwadi zvomweya kuna avo vana Mweya.

14Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya.

15Munhu anaMweya anogona kunzwisisa zvose sezvazviri asi iye hapana anogona kumunzwisisa zvaari.

16Sokutaura kunoita Magwaro Matsvene anoti,

“Ndiani angazive pfungwa dzaTenzi

zvokuti angamudzidzise?

Asi isu pfungwa dzaKristu tinadzo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help