Nziyo 42 - Shona Common Language Bible(SCLB)

BHUKU RECHIPIRI(Nzi 42—72)Muimbisi, iyi inhetembo yavana vokwaKora.Munamato womunhu ari muutapwa

1Sokusuwira mvura inoyerera –

kunoita nondo,

ndiko kukusuwirai kwandinoita, Mwari.

2Mweya wangu une nyota nemi Mwari,

imi Mwari mupenyu.

Ndichauya riniko ndizoona uso hwaMwari?

3Upenyu hwangu yangova misodzi chete

siku nesikati

vanhu vachingonditi,

“Iye Mwari wako aripi?”

4Zvinhu izvi ndinozviyeuka

ndichirwadziwa mwoyo:

kuenda kwandaiita negurusvusvu ravanhu

ndichitungamirira dungwerungwe ravo

kuimba yaMwari nomupupuru nedzimbo dzokutenda,

manyore manyore avanhu

vachichengeta zuva guru.

5Ko ndasururavara neiko kudai iyeni?

Ko ndadzongodzwa mwoyo

mukati mangu seiko kudai?

Ndinofanira kutarisira muna Mwari

nokuti ndichamurumbidzazve

iye rubatsiro rwangu

6naMwari wangu.

Ndinosuruvara mumwoyo mangu,

saka zvinondipa kukurangarirai

ndiri munyika yokuJorodhani nokuHerimoni,

ndiri kugomo reMiza.

7Maungira anodairana

pakutinhira kunoita mapopo enyu.

Masaisai enyu ose namasundesunde

andifukidza.

8TENZI anoratidza mwoyochena wake masikati;

usiku ndinobva ndadandaura kuimba rumbo rwake

kuri kunyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu.

9Ndinoti kuna Mwari, dombo rangu,

“Makandikanganwireiko?

Ndinofambireiko ndichichema

nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?”

10Vavengi vangu vanondishora

sokunge ndinodzimbirwa paronda riri mumuviri wangu.

Vachingonditi,

“Mwari wako aripiko?”

11Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni

ko ndadzongodzwa mwoyo

mukati mangu seiko kudai?

Ndinotarisira kuna Mwari

nokuti ndichamurumbidzazve

iye rubatsiro rwangu naMwari wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help