Tsumo 14 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Ungwaru hunovaka imba yahwo

asi upenzi hunozviparadzira imba yahwo.

2Anofamba mukutendeseka

anotya Tenzi.

Asi munhu woujarijari

anoshora Tenzi.

3Kutaura kwebenzi ndiyo

shamhu inorirova musana

asi zvinotaura vangwaru ndizvo

zvinovachengetedza.

4Pasina mombe hapanawo mbeswa

asi nesimba remombe mbeswa dzinowanda.

5Chapupu chakatendeka hachirevi nhema

asi chapupu chenhema chinonyepa.

6Munyombi angatsvake zvake ungwaru

asi hapana chimuko

asi munhu anonzwisisa

anowana ruzivo nyore.

7Siana nebenzi nokuti

hapana mashoko oungwaru

aunowana pariri.

8Kuziva nzira dzake

ndihwo ungwaru hwomuchenjeri,

asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi.

9Benzi rinoshora mupiro

wokupfupira zvitadzo

asi wakarurama anofadzwa nawo.

10Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo,

mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo.

11Musha womunhu akaipa unoparadzwa

asi musasa womunhu akarurama

unofambira mberi.

12Pane dzimwe nzira

dzaunofunga kuti inzira kwadzo

asi mugumo wadzo rufu.

13Munhu anogona kuseka zvake

asi mumwoyo make muino kusuwa

panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo.

14Munhu wakaipa achazadzwa

nomubayiro wezvaanoita

wakanakawo nemichero yezviito zvake.

15Munhu asina pfungwa dzakadzama

anongobvumira zvose zvose

asi munhu wakangwara

anotarisa paanotsika.

16Mungwaru anochenjerera zvinhu

uye anonzvenga zvakaipa

asi benzi rinozviita suku nasai,

harikendenge.

17Munhu anokurumidza kushatirwa

zvaanoita ndezvoupenzi

asi munhu anoona zvinhu nemazvo

anoita mwoyo murefu.

18Vanhu vasina pfungwa dzakadzama

chavo upenzi,

vakangwara chavo indaza yoruzivo.

19Vaipi vanogwadamira vakanaka,

ndizvo zvinoita vakaipa

pamisuo mikuru yavarurami.

20Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo

asi mupfumi ane shamwari zhinji.

21Munhu anoshora mumwe wake mutadzi,

akakomborerwa zvake munhu

anoitira varombo tsiye nyoro.

22Ko havakanganise here

vanhu vanoronga kuita zvakaipa?

Vanoronga kuita zvakanaka

vanowana mwoyochena nokutendeseka.

23Basa rose rose rine chimuko,

asi kungotaura bedzi

kunosvitsa pakushaiwa.

24Upfumi indaza yavachenjeri,

asi upenzi indaza yamapenzi.

25Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu,

asi munhu anoreva nhema mutengesi.

26Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba,

kana vana vakewo vanowana kwokupotera.

27Kutya Tenzi chisipiti choupenyu,

kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu.

28Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo

ishe akashaya vanhu anoparara.

29Munhu asingakurumidzi kushatirwa

munhu anonzwisisa,

asi anokurumidza kushatirwa,

anoita kuti upenzi huwande.

30Pfungwa dzikagadzikana,

muviri unoita utano

shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa.

31Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka

anoshora musiki wake,

asi anoita tsiye nyoro kwaari

anoremekedza musiki wake.

32Munhu wakaipa anoputsirwa pasi

nouipi hwake,

asi akarurama chitarisiro chake

chiri mukuva pachokwadi.

33Ungwaru hunogara mupfungwa

dzomunhu anonzwisisa,

asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi.

34Ururami hunosimudzira rudzi

asi chitadzo chinoshoresa rudzi.

35Muranda anoita zvino ungwaru

anodiwa namambo

asi anoita zvinonyadzisa

anomuvirukira nehasha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help