Isaya 26 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwari achaita kuti vanhu vake vakurire

1Musi iwoyo munyika maJudha muchaimbwa rwiyo urwu runoti:

Guta redu, iguta rakasimba

kununura kwaakatiita kwakabva kwava

sorusvingo nechimudhuri chokudzivirira.

2Zarurai misuo mikuru,

rudzi rwakatendeseka rupinde.

3Munhu anoramba pfungwa dzake

dzakati kwati kwati nemi,

munomuchengeta ari murugare chairwo

nokuti anovimba nemi.

4Vimbai naTenzi narini wose

nokuti muna iye Tenzi Mwari

ndimo mubako rokugara nokugara

5nokuti akaninipisa

vagari venyika dzokumusoro,

guta rinozvikudza

akaridukupisa

akariti pasi mbombombo,

muvhu chaimo kuriti umburu.

6Rinotsikwa-tsikwa zvaro netsoka,

tsoka dzavarombo zvavo

muchifambwa zvamo

navasina chavanacho.

7Gwara rowakarurama muchechetere

nzira yomururami munoiita kuti

ive yakati sandara.

8Tenzi,

zvamunenge matema imi

ndozvatinomirira,

imi ndimi watinomirira.

Zita renyu risingakanganwike

ndochido chemwoyo yedu.

9Ini ndinokushuwai nousiku,

mweya wangu mandiri

unokutsvakisisai kwazvo

nokuti kana kutonga kwenyu

kwasvika panyika

vagari vepasi pano

vanobva vadzidza ururami.

10Kana muipi akaitirwa zvakanaka,

haazodzidza kururama,

munyika yakarurama imomo

iye anenge achingoita zvoujarijari

asingamboona zvake ukuru hwaTenzi.

11Imi Tenzi,

muruoko rwenyu shamhu iri mudenga,

asi havasi kumbozviona.

Chimbovaratidzai shungu dzamuinadzo

nevanhu venyu, vanyare.

Nehasha dzenyu dzinopisa

ririmisai vavengi venyu.

12Imi Tenzi,

ndimi muchatiwanisa rugare,

nokuti basawo rose ratinoita iri, ndimi.

13Imi Tenzi, Mwari wedu,

kune mamwe madzishe akambotitonga asirimi,

asi imi ndimi mune zita ratinoziva.

14Madzishe acho iwayo akafa

haachazombovazve mapenyu,

vangova mimvuri

havachazombomuka,

ndokusaka makavaranga nokuvaparadza

mukavatsakatisa zvokusamboyeukwa.

15Asi imi Tenzi

makapamhidzira vanhu kurudzi rwedu,

muchitiwanziridza murudzi rwedu.

Imi munorumbidzwa

makawedzeredza nyika yacho yose.

16Imi Tenzi,

munhamo vakakutsvakai

vakaita munamato yokudurura,

pamaivaranga.

17Somukadzi anenge ano pamuviri

anoyaura achichema mukurwadziwa kwake

kana nguva yake yokusungunuka yasvika.

Ndizvo zvatanga takaitawo isu

tisiri panemi Tenzi.

18Takanga takazvitakura tikayaura

asi takasununguka mhepo.

Kununura nyika ino hatina,

kunyange vagari vapanyika

havana kukurirwa.

19Vakafa venyu vachava vapenyu,

miviri yavo ichamuka.

Vashakabvu vari muvhu mukai

muimbe norufaro.

Tinodaro nokuti dova renyu

idova rine chiedza

uye nyika yavashakabvu ichasununguka.

Kutonga kwaMwari noKumutsurudza rudzi

20Vanhu vangu, endai mupinde mumba

muzarire makonhi

mumbohwanda kwenguva shoma

kusvikira hasha dzake dzapera.

21Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya

achibva kunzvimbo yake

kuzorangira vagari vepanyika

zvitadzo zvavo.

Pasi pose vanhu vachareurura

kuuraya vanhu kwavakaita,

zvitadzo zvavo vanenge vasisavanzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help