Mabasa 18 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Pauro munzvimbo yeKorinde

1Mushure mezvo akabva kuAteni akaenda kuKorinde.

2Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona

3pamusana pokuti vaiva vebasa rimwechetero akagara akashanda navo nokuti aiita basa rimwechetero navo rokugadzira matendhe.

4Pasabata rimwe nerimwe aitaura musinagogu achikurudzira vaJudha navaGiriki.

5Pakasvika Sirasi naTimoti vachibva kuMasedhonia, Pauro aiva mubasa rokuparidza, achipupura kuvaJudha, kuti Mesia ndiJesu.

6Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.”

7Akabvapo akaenda kumba komumwe ainzi Titosi Jusitusi munhu aitya Mwari. Imba yake yaiva pedyo nesinagogu.

8Kirisipusi mukuru wapasinagogu akatenda muna Tenzi pamwechete nemhuri yake. Vazhinji vomuKorinde pavakanzwa Pauro vakatenda vakaombekwa.

9Nohumwe usiku Tenzi akataura kuna Pauro muchiratidzo achiti, “Usatye zvako. Iwe taura chete, usanyarare

10nokuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa zvokukuvadza nokuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.”

11Nezvo akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu achidzidzisa Shoko raMwari pakati pavo.

12Panguva yakanga Gario ari gavhuna weAkaya, vaJudha vakaita rimwe kurwisa Pauro. Vakamuunza kudare

13vachiti murume uyu anokurudzira vanhu kunamata Mwari zvisiri pamurao.

14Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Dai yanga iri mhosva kana kuti kutadza kwakaipisisa, ndaiwana chikonzero chokukuitirai mwoyo murefu, vaJudha imi.

15Zvino zvairi nyaya yokubvunza pamusoro pezvamazwi nezvamazita uye nezvomutemo wenyu, zvionerei pachenyu. Handidi kuva mutongi mune zvinhu izvi.”

16Akabva avadzinga mudare.

17Vose vakabata Sositeni mukuru wapasinagogu vakamurova pamberi pedare; asi Gario haana kuita hanya nazvo.

Pauro anodzokera kuAndiyoku

18Mushure mezvo Pauro akagara mamwe mazuva mazhinji ndokuzoonekana nevehama. Akazoenda kuSiria nechikepe pamwechete naPirisira naAkwira. KuKenikirie akaveura vhudzi rake nokuti akanga aita mhiko.

19Vakasvika kuEfesusi akavasiyako asi iye akamboenda musinagogu akataura kuvaJudha.

20Pavakamukumbira kuti ambogarazve, akaramba.

21Paakanga ava kuenda akati, “Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida. Akaenda nechikepe achibva kuEfesusi.”

22Paakasvika kuSezaria akakwira akandokwazisa sangano ndokuzodzika kuAndiyoku.

23Akati apedza chinguva ariko akasimuka akaenda munzvimbo nenzvimbo nomudunhu reGaratia nereFirigia achisimbisa vadzidzi vose.

Aporosi kuEfesusi nokuKorinde

24Mumwe muJudha ainzi Aporosi, mugari wokuArekizandiria akauya kuEfesusi. Akanga ari nyanzvi yokutaura, munhu akanga akadzidza kwazvo Magwaro Matsvene.

25Akanga akadzidziswa nzira yaTenzi uye nemwoyo wake wose aitaura nokudzidzisa nemazvo chaimo zvaJesu kunyange aiziva ruombeko rwaJohani chete.

26Akatangisa kutaura nechivindi musinagogu. Pirisira naAkwira pavakamunzwa vakamutora vakamutsanangurira nzira dzaMwari nemazvo chaimo.

27Paakada kuyambukira kuAkaya vehama vakamukurudzira vakatonyora kuna vadzidzi kuti vamugamuchire.

28Paakasvika, akabatsira kwazvo vakanga vatenda nenyasha dzaMwari nokuti akapwisa vaJudha pachena achiratidza naMagwaro Matsvene kuti Jesu ndiye Mesia.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help