Maraki 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1“Zvino imi vapristi mutemo uyu mutemo wenyu.

2Kana mukarega kuteerera kana kurega henyu kuuisa mumwoyo kuti mupe mbiri kuzita rangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, inini ndichati muwirwe nejambwa. Ndichati zvikomborero zvenyu zvive jambwa nazvinowo ndatozviti zvive jambwa nokuti hamuuise mumwoyo.

3Chinzwai ndichati zvibereko zvenyu zviwirwe norushambwa, ndichakuzora–zorai uso nendove, ndove yemipiro yenyu uye ndigokubvisai kwandiri.

4Ndopamuchazoziva kuti ndakutemerai murao iwoyu kuitira kuti chitenderano changu nevokwaRevhi chibate. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

5“Chitenderano changu chandakaita naye chakanga chiri chitenderano choupenyu norugare. Ndakamupa izvozvo kuitira kuti agotyawo, saizvozvowo ainditya achidedera kwazvo zita rangu.

6“Rudzidziso rwechokwadi

ruri pamuromo pake,

uipi hahwaiwanikwa

pamuromo pake.

Akafamba neni

mukuwadzana nomukururama.

Akadzora vazhinji kuhuipi.

7Ndinodaro nokuti

miromo yomupristi

inofanira kuchengetedza ruzivo.

Vanhu vanotsvaka rudzidziso

kumuromo wake

nokuti iye inhumwa

yaTENZI wehondo nehondo.

8“Asi imimi makatsauka mugwara,

makaitisa kuti vakawanda vapingiridzwe

nechidzidziso chenyu.

Makan'oresa chitenderano chokwaRevhi

ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

9Ndokusaka

ini ndavakuitawo kuti

imi muve vanhu vakashoreka

vokupedzesera zvavo kuvanhu vose

sokuregawo kuchengeta

nzira dzangu kwamakaita,

makatoita zvenyu rusaruro pane zvemitemo.”

Kusatendeka kwavanhu kuna Mwari

10Handiti tina baba mumwechete here? Hatina kusikwa naMwari mumwechete here? Nemhaka yei tichirega kuitirana zvakatendeka tichin'oresa chitenderano chemadzibaba edu kudai.

11VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo.

12Dai TENZI angoiti munhu iyeyo asawane uchapupu kana kurevererwa mumisasa yematendhe yovokwaJakobho paanouya nomupiro kuna Tenzi wehondo nehondo.

13Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu.

14Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano.

15Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota,

16nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi.

Zuva rokutonga raswedera

17Mapfuvisa Tenzi nezvamunotaura. Asi imi munoti, “Tamupfuvisa seiko chaizvo?” Nokutaura muchiti, “Vose vanoita zvakaipa ndivo vakanaka pana Tenzi uye ndivo vaanofarira ivavo.” Kana nokubvunza kuti, “Ko Mwari woruenzaniso aripi?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help