Isaya 13 - Shona Common Language Bible(SCLB)

C: CHIREVO PAMUSORO PEVECHIRUDZIKurangwa kuchaitwa Bhabhironi

1Iri shoko rinorema rakanangana neBhabhironi rezvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi:

2Pamhene zvapo pamusoro pechikomo

misaipo chiratidzo

muzhambarare kudaidzira kwavari

muvaninire ruoko kuti vapinde

mumisuo mikuru yokuvakuru vakuru.

3Ini pachangu ndatema

vanhu vangu vandakazvitsaurira

ndikakoka magamba angu okurwa

vanozvinzwa

kuti vazopedzera hasha dzangu

pavanhu ivava.

4Herwo ruzha rwemhomho yavanhu pamakomo

runenge rwegurumwandira chairo ravanhu!

Hero bongozozo redzinyika,

rwamarudzi ari kukokorodzana pamwechete!

Tenzi wehondo nehondo

ari kuunganidza hondo yavarwi yokurwisa.

5Vanobva kunyika iri kure uko,

vachibva kwakaperera denga chaiko,

Tenzi nezvombo zvake zvehondo

zvokushatirwa kwaakaita

kuzoparadza nyika yose zvayo.

6Hwihwidzai kuchema,

nokuti Zuva raTenzi rava padyo,

iroro richasvika riri zuva

rokuparadza kwaSamasimbaose.

7Naizvozvo maoko ose acharukutika

munhu wose acharohwa nehana

8zvichivakanhamisa.

Vachabatwa nokurwadziwa zvokutodemba,

vacharwadziwa somukadzi

ari pakusununguka.

Vachangoti nde-e kutarisana

vazvishayira pazvo

zviso zvavo zvichidikitira.

9Hero Zuva raTenzi rouya!

Zuva routsinye nokutsamwa

nerehasha dzinotyisa

rokusiya nyika yava renje

nokuparadza vatadzi mairi;

10nokuti nyenyedzi dzedenga

negurusvusvu radzo

dzichange dzisisavhenekere,

zuva richange rakasviba

pakubuda kwaro,

mwedziwo usisina

chiedza chaunopa.

11“Ndicharangira nyika zvivi zvayo

uye vatadzi uipi hwavo.

Ndichapedza kuzvikudza kwose

kwavanozvitutumadza,

ndichitonhodza kuzvinyundumadza

kwavasingakatare.

12Ndichaita kuti vanhu vave vashoma

kupinda ndarama yakanyatsokwenenzverwa.

Kuwana vanhu kunenge kwotonetsa

kupinda kuwana chidimu chendarama yokuOfiri.

13Naizvozvo ndichaita kuti matenga azunguzike

pasi pandengendeke pabve panzvimbo yapo

pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo

pazuva rehasha dzake dzinotyisa.

14Semhara iri kudzingirirwa

kana kuti sehwai dzisina anodzikokorodza

mumwe nomumwe achaenda

kuvanhu vokwake

munhu achitizira kunyika yokwake.

15Anenge angowanikwa anobayiwa

anenge angobatwa anofa nebakatwa.

16Pwere dzavo dzichapwashurwa vakatarisa

dzimba dzavo dzichipambwa

vakadzi vavo vachibhinywa.

17“Chionai ndavakuvamutsira vaMidhia

vasina hanya nesirivha

kana kufarira zvendarama.

18Uta hwavo hucharakasha

kuuraya majaya

vachange vasina tsitsi norusvava

kana kuitira vana tsiye nyoro.

19Bhabhironi, guta rinoshamisa panyika dzose

mbiri nechidadiso chevaKaridhea

richaita seSodhomu neGomora

paakaparadzwa naMwari.

20Hamuzombofa makagarwa

kana kumboitwa musha imomo

pazvizvarwa zvose zvazvo.

Hakuna muArabhu achazomisa

tendhe rake imomo

hakuna vafudzi

vachararisa hwai dzavo imomo.

21Asi muchatorarwa zvamo

namakava esango,

dzimba dzavo dzichazara

namazizi namajijidza.

Mhou dzichagaramo

uye zvidhoma zvichatambiramo.

22Mapere acharidza zvawo huwi

munharire dzavo

namakava achihukura,

mumizinda yavo inoyevedza.

Nguva yaro yatosvika

mazuva acho zvemberengera hapasisina.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help