1Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere
apenyese uso hwake patiri.
Dzepfunde
2Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi.
Marudzi ose avanhu
azive simba renyu rokuponesa.
3Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;
vanhu vose ngavakurumbidzei.
4Marudzi ose ngaafare
aimbe norufaro;
nokuti munotonga vanhu noruenzaniso
muchitungamirira marudzi avanhu panyika.
Dzepfunde.
5Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;
vanhu vose ngavakurumbidzei.
6Nyika yakabereka mukoho wayo
Mwari, Mwari wedu atikomborera.
7Mwari atikomborera;
ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.