1 Madzimambo Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mubhuku rino Bhuku rokutanga raMadzimambo nebhuku rechipiri raMadzimambo anoenderera mberi norungano kana kuti nhoroondo dzoupenyu hwavaIsiraeri namadzimambo avo kubvira panosiirwa nebhuku rechipiri raSamueri. Rokutanga rinonyanya kutaura nezvamambo Soromoni, mwana waDhavhidhi. Rinoratidza upfumi hwake, mbiri nomukurumbira wake nokuvaka kwake kunoshamisa zvikuru kwaakaita Temberi yaMwari asi zvikuru ruzivo noungwaru hwake. Rinoratidza kusangwara kwakazoita Soromoni avakunamata vamwe vamwari vasingazivikanwi pamusana pavakadzi vechirudzi vaakawanza kuroora. Bhuku iri rine zvidimbu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvenguva yakanga umambo hweIsiraeri husati hwaparadzaniswa. Chechipiri ndechenguva yakanga zvino umambo hwapararaniswa. Vamwe vavakunzi vokwaIsiraeri (madzinza gumi) nevokwaJudha (madzinza maviri chete, rokwaJudha nerokwaBhanjamini). VokwaIsiraeri vakarasa Mwari nokumufuratira, vokwaJudha vakachengetedza zvavo zvaMwari asi vachinamatawo vamwe vamwari. Vaporofita vakatumwa kuzobatsira vanhu panguva iyoyo ndiEriya naMikaya.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga raMadzimamboKuguma kwoumambo hwaDhavhidhi (1:1—2:12)Kugadzwa umambo kwaSoromoni (2:13–46)Kutonga kwaSoromoni (3:1—11:43)a) Makore okutanga (3:1—4:34)b) Kuvakwa kweTemberi (5:1—8:66)c) Makore okupedzisira (9:1—11:43)Umambo hwapararaniswa (12:1—22:53)a) Kupanduka kwamadzinza gumi (12:1—14:20)b) Madzimambo okwaJudha (14:21—16:34)c) Muporofita Eriya (17:1—19:21)d) Mambo Ahabhu wokwaIsiraeri (20:1—22:40)e) Mambo Josafati wokwaJudha naAhaziah wokwaIsiraeri (22:41–53)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help