1Hakusi kunaka ikoko kwakaita
nzvimbo yenyu yamunogara
imi TENZI wehondo nehondo.
2Ndinobva ndatorwa mwoyo chaizvo,
ndinodisisa kwazvo mipanda yaTENZI
mwoyo wangu nenyama yangu
zvinoimbira Mwari mupenyu norufaro.
3Kunyange nzvidya inowanawo pokugara,
kashiri kachizvivakira dendere rako
pakanogona kukandirira vana vako
kuatari dzenyu imi TENZI wehondo nehondo
mambo wangu naMwari wangu.
4Vakakomborerwa zvavo
vanogara mumba menyu
vachikurumbidzai.
Dzepfunde.
5Vakakomborerwa zvavo
vanowana simba mamuri;
vanodisisa migwagwa mikuru
inoenda kuguta reZioni.
6Pavanopfuura nomubani reBhaka
vanoriita nzvimbo ine zvisipiti,
mvura yemunhuruka inorizadza namadziva.
7Vanoramba vachingosimba
Mwari wavamwari achaonekwa muZioni.
8TENZI wehondo nehondo
inzwai munamato wangu.
Teererai imi Mwari waJakobho.
Dzepfunde
9Tarisai muone Mwari nhoo yedu
tarirai uso hwomuzodzwa wenyu.
10Nokuti zuva rimwechete mumipanda yenyu
riri nani pane churu chawo kumwe.
Zviri nani zvangu kuva muchengeti
wapamusuo mumba maMwari wangu
panokugara mumatendhe avakaipa.
11Nokuti Mwari izuva nenhoo,
anoitira munhu mwoyochena
uye anovasimudzira.
TENZI hapana chaanonyima
munhu anofamba pachokwadi.
12TENZI wehondo nehondo,
akakomborerwa zvake
munhu anovimba nemi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.