Muparidzi 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Nhunzi dzakafa dzinogona kunhuwisa

mafuta anonhuhwira,

saizvozvo utununu hunogona kukanganisa

ungwaru nokuremekedzwa.

2Pfungwa dzomungwaru dzakarerekerera kurudyi

pfungwa dzebenzi dzakarerekera kuruboshe.

3Nyange richifamba munzira

benzi harina njere

rinotaura kumunhu wose kuti ibenzi.

4Kana mutongi wako akakuvirukira nehasha,

usabve pabasa rako

nokuti kuzvibata kwako kunoita kuti

mhosva huru iregererwe.

5Pane chimwe chinhu chakaipa chandakaona

pasi pedenga kuri kukanganisa kwavatongi.

6Mapenzi anoiswa pamabasa makuru

asi vapfumi vachigara panzvimbo dzapasi

7ndakaona varanda vari pamabhiza

machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8Munhu anochera hunza

achiwira mairi,

anoputsa madziro

anorumwa nenyoka.

9Anokwakwanura mabwe

anokuvadzwa nawo

anotsemurawo huni

anogona kukuvadzwa nadzo.

10Kana demo rakagomara pamusana pokuti harina kurodzwa, kurishandisa unofanira kutoita nesimba rakawanda. Pakadai ungwaru ndihwo hunoita kuti munhu abudirire.

11Nyoka ikaruma munhu

isati yaitwa mapipi pairi,

anoita mapipi wacho hapana chaanowana.

12Mazwi emungwaru anoita kuti adiwe navanhu

asi muromo webenzi unoriparadzisa.

13Anotanga nokutaura zvisina maturo

ozopedzisira nokupenga kwakaipa.

14Benzi rinotaura zvakawanda

asi hapana munhu

angazive zviri mune ramangwana.

Ndiani angazivise munhu zvichazoitika mushure make?

15Benzi rinoshanda zvokufa

zvokuti kunyange nzira yokuguta hariizivi.

16Inenhamo nyika inamambo achiri jaya zvaro

uye inemachinda ayo anodyiririra mangwanani.

17Yakakomborerwa zvayo nyika

inamambo akaberekwa kumbahuru

uye inamachinda anodya nenguva kwayo

vanodyira kusimba kwete kuraradza.

18Pamusana penungo denga remba rinowira mukati

pamusana pokugara maoko imba inodonha.

19Chokudya chinoita kuti vanhu vafare

waini inoita kuti upenyu hunakidze

mari ndiye mupedzanhamo.

20Usatsoropodze mambo

kunyange nechomumwoyo

usashurikidze rushambwa vapfumi

kunyange mumba mako mokurara

nokuti shiri ingadaro ikatakura mazwi ako

zvimwe chipembenene chingadaro

chikandotaura zvinhu zvacho.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help