1Vanakomana vaDhavhidhi:
vakaberekerwa kuHebhuroni ndeava.
Wokutanga wacho ndiAmunoni waakabereka
nomukadzi wake vaAhinoamu vokuJezirieri
wechipiri ari Dhanieri waakabereka
naAbhigairi vokuKarimeri
2wechitatuwo ari Abhusharomu,
amai vake uyu ainzi Maaka mukunda waTarimai
mambo weGeshuri.
Wechina ndiAdhoniya amai vake ari Hagiti.
3Wechishanu ndiShefatiya waakabereka
naAbhitari wechitanhatu ari Itireamu waakabereka
nomukadzi wake Egira.
4Vatanhatu ava akavaberekera
kuHebhuroni kwaakatonga ari kwamakore
manomwe nemwedzi mitanhatu.
Akazotonga kwamakore makumi matatu namatatu ari muJerusaremu.
5Vanakomana vaakazoberekerwa muJerusaremu ndevava:
kunoti Shemea naShobhabhu naNatani
naSoromoni vari vana kudai vaakaberekerwa
naBhatishua mwanasikana waAmieri,
6kwoti Ibhari naErishama naErifereti,
7kwouya Noga naNefegi naJafiya
8kwouyawo Erishama naEridha
naErifereti pamwechete vapfumbamwe.
9Vose ivava ndivo vana vaDhavhidhi
vakomana tisingaverenge vanakomana vevarongo.
Tamari ndiye hanzvadzi yavo.
Zvizvarwa zvokwamambo Soromoni(2 Nhor 36:1)10Mwanakomana waSoromoni ndiRehobhoamu
waRehobhoamu ndiAbhiya
waAbhiya ndiAsa
waAsa ndiJehoshafati.
11Mwanakomana waJehoshafati ndiJoramu
waJoramu ndiAhaziya
waAhaziya ndiJoashi.
12Mwanakomanawo waJoashi ndiAmaziya
waAmaziya ndiAzariya
waAzariya ndiJotamu.
13Mwanakomana waJotamu ndiAhazi
waAhazi ndiHezekiya
waHezekiya ndiManase.
14Mwanakomana waManase ndiAmoni
waAmoni ndiJosiya.
15Vanakomana vokwaJosiya ndavava:
dangwe rake ndiJohanani
wechipiri ndiJehoyakimu
wechitatu ndiZedhekiya
wechina ndiSharumu.
16Vanakomana vokwaJehoyakimu
ndovava ava:
mwana wake Jekoniya
waJekoniya ndiZedhekiya.
Zvizvarwa zvokwaJekoniya17Vanakomana vokwaJekoniya nyakutapwa uya ndavava:
paiti, mwana wake Shearitieri
18kwouya Marikiramu naPedhaya
naShenazari naJekaniya naHoshama naNedhabhiya.
19Vanakomana vokwaPedhaya:
ndiZerubhabheru naShimei.
Vanakomana vokwaZerubhabheru
ndiMeshuramu naHananiya,
Sheromuti ndiyo hanzvadzi yavo
20kwouyawo Hashubha naOheri naBherikiya
naHasadhiya naJushabhihesedhi
vari vashanu kudaro.
21Vanakomana vaVaHananiya:
ndiPeratiya,
waPeratiya ndiJeshaya
waJeshaya ndiRefaya
waRefaya ndiArinani
waArinani ndiObhadhiya
waObhadhiya ndiShekaniya.
22Vanakomana vokwaShekaniya:
ndiShemiya.
Vana vaShemiya vakomana
ndiHatushi naIgari naBhariya naNeariya
naShafati vari vatanhatu.
23Vanakomana vokwaNeariya:
ndiErioenai naHizikiya naAzirikamu
pautatu hwavo.
24Vanawo vakomana vokwaErioenai:
ndiHodhavhiya naEriyashibhu naPeraya
naAkubhu naJohanani naDheraya
naAnani vari vanomwe kudaro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.