1 Nhoroondo 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvizvarwa zvokwaDhavhidhi(2 Sam 3:2–5)

1Vanakomana vaDhavhidhi:

vakaberekerwa kuHebhuroni ndeava.

Wokutanga wacho ndiAmunoni waakabereka

nomukadzi wake vaAhinoamu vokuJezirieri

wechipiri ari Dhanieri waakabereka

naAbhigairi vokuKarimeri

2wechitatuwo ari Abhusharomu,

amai vake uyu ainzi Maaka mukunda waTarimai

mambo weGeshuri.

Wechina ndiAdhoniya amai vake ari Hagiti.

3Wechishanu ndiShefatiya waakabereka

naAbhitari wechitanhatu ari Itireamu waakabereka

nomukadzi wake Egira.

4Vatanhatu ava akavaberekera

kuHebhuroni kwaakatonga ari kwamakore

manomwe nemwedzi mitanhatu.

Akazotonga kwamakore makumi matatu namatatu ari muJerusaremu.

5Vanakomana vaakazoberekerwa muJerusaremu ndevava:

kunoti Shemea naShobhabhu naNatani

naSoromoni vari vana kudai vaakaberekerwa

naBhatishua mwanasikana waAmieri,

6kwoti Ibhari naErishama naErifereti,

7kwouya Noga naNefegi naJafiya

8kwouyawo Erishama naEridha

naErifereti pamwechete vapfumbamwe.

9Vose ivava ndivo vana vaDhavhidhi

vakomana tisingaverenge vanakomana vevarongo.

Tamari ndiye hanzvadzi yavo.

Zvizvarwa zvokwamambo Soromoni(2 Nhor 36:1)

10Mwanakomana waSoromoni ndiRehobhoamu

waRehobhoamu ndiAbhiya

waAbhiya ndiAsa

waAsa ndiJehoshafati.

11Mwanakomana waJehoshafati ndiJoramu

waJoramu ndiAhaziya

waAhaziya ndiJoashi.

12Mwanakomanawo waJoashi ndiAmaziya

waAmaziya ndiAzariya

waAzariya ndiJotamu.

13Mwanakomana waJotamu ndiAhazi

waAhazi ndiHezekiya

waHezekiya ndiManase.

14Mwanakomana waManase ndiAmoni

waAmoni ndiJosiya.

15Vanakomana vokwaJosiya ndavava:

dangwe rake ndiJohanani

wechipiri ndiJehoyakimu

wechitatu ndiZedhekiya

wechina ndiSharumu.

16Vanakomana vokwaJehoyakimu

ndovava ava:

mwana wake Jekoniya

waJekoniya ndiZedhekiya.

Zvizvarwa zvokwaJekoniya

17Vanakomana vokwaJekoniya nyakutapwa uya ndavava:

paiti, mwana wake Shearitieri

18kwouya Marikiramu naPedhaya

naShenazari naJekaniya naHoshama naNedhabhiya.

19Vanakomana vokwaPedhaya:

ndiZerubhabheru naShimei.

Vanakomana vokwaZerubhabheru

ndiMeshuramu naHananiya,

Sheromuti ndiyo hanzvadzi yavo

20kwouyawo Hashubha naOheri naBherikiya

naHasadhiya naJushabhihesedhi

vari vashanu kudaro.

21Vanakomana vaVaHananiya:

ndiPeratiya,

waPeratiya ndiJeshaya

waJeshaya ndiRefaya

waRefaya ndiArinani

waArinani ndiObhadhiya

waObhadhiya ndiShekaniya.

22Vanakomana vokwaShekaniya:

ndiShemiya.

Vana vaShemiya vakomana

ndiHatushi naIgari naBhariya naNeariya

naShafati vari vatanhatu.

23Vanakomana vokwaNeariya:

ndiErioenai naHizikiya naAzirikamu

pautatu hwavo.

24Vanawo vakomana vokwaErioenai:

ndiHodhavhiya naEriyashibhu naPeraya

naAkubhu naJohanani naDheraya

naAnani vari vanomwe kudaro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help