Nziyo 136 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Nhetembo yokutenda Mwari

1Tendai TENZI nokuti wakanaka

mwoyochena wake hauperi.

2Tendai Mwari wavamwari

mwoyochena wake hauperi.

3Tendai TENZI wavatenzi

mwoyochena wake hauperi.

4Iye oga anoita zvishamiso zvikuru

mwoyochena wake hauperi.

5Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake

mwoyochena wake hauperi.

6Iye akawarira nyika pamvura

mwoyochena wake hauperi.

7Iye akasika mazivheneko makuru

mwoyochena wake hauperi.

8Zuva kuti ritonge masikati,

mwoyochena wake hauperi.

9Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku

mwoyochena wake hauperi.

10Iye akauraya matangwe eIjipiti

mwoyochena wake hauperi.

11Akaburitsa Isiraeri mukati mavo

mwoyochena wake hauperi.

12Noukuru hwake nesimba guru roruoko rwake

mwoyochena wake hauperi.

13Iye akapararanisa Gungwa Dzvuku

mwoyochena wake hauperi.

14Akapfuudza Isiraeri nepakati paro

mwoyochena wake hauperi.

15Akakurira Farao nehondo yake

muGungwa Dzvuku

mwoyochena wake hauperi.

16Iye akatungamirira vanhu vake nomurenje

mwoyochena wake hauperi.

17Iye akauraya madzimambo makuru

mwoyochena wake hauperi.

18Akauraya madzimambo anomukurumbira

mwoyochena wake hauperi.

19Sihoni mambo wavaAmori

mwoyochena wake hauperi

20naOgu mambo weBhashani

mwoyochena wake hauperi

21akapa nyika yavo senhaka

mwoyochena wake hauperi

22nhaka kuna Isiraeri muranda wake

mwoyochena wake hauperi.

23Ndiye akatiyeuka patakanga

tasvika pakadzama

mwoyochena wake hauperi.

24Akatinunura kuvavengi vedu

mwoyochena wake hauperi.

25Iye anopa chokudya

kuzvinhu zvose zvipenyu

mwoyochena wake hauperi.

26Tendai Mwari wokudenga

mwoyochena wake hauperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help