Nehemiya 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya.

I: KUDZOKERA KWANEHEMIYA KUJERUSAREMUShungu yaNehemiya nezveJerusaremu

Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa,

2hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu.

3Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.”

4Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga

5ndichiti,

“Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari

mukuru anotyisa anochengeta chitenderano

chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu.

6Tarisaiwo nemeso enyu muone,

murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe

munamato wangu ini muranda wenyu

wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati

ndichinamatira vanhu veIsiraeri

varanda venyu ndichireurura zvitadzo

zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo,

zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri

yokwangu, takatadza.

7Takakutadzirai zvokutadza zviya.

Hatina kuchengeta mitemo nemirao

nezvirevo zvamakaudza

muranda wenyu Mosesi.

8Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda

wenyu Mosesi muchiti,

‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka,

ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi.

9Asi mukange mazotendeukira kwandiri

mukateerera mitemo yangu moichengeta

kunyange zvazvo manga

makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko;

ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo

kunzvimbo yandakasarudza kuti

ndiise zita rangu ipapo.’

10Varanda venyu ava, vanhu venyu

vamakanunura namasimba enyu

makuru noruoko rune simba.

11Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato

weni muranda wenyu nokumunamato

wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu.

Muitewo kuti ini muranda wenyu

ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti

ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.”

Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help