1 Vatesaronika 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Upenyu hunofadza Mwari

1Pokupedzisira hama dzangu, isu muna Tenzi Jesu tinokukumbirai tichikukurudzirai kuti sokudzidza kwamakaita kwatiri, mugariro wamunofanira kuita, mufadze Mwari, sezvamuri kungoita. Itai saizvozvo zviri zvakatowandisisa.

2Imi munoziva zvatakakutaurirai musimba raTenzi Jesu.

3Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe.

4Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza

5kwete nehavi dzomuviri dzoruchiva sezvinoita vechirudzi vasingazivi Mwari

6uye kuti panyaya iyoyi hapafaniri kuva nomunhu anonyengedza kana kukanganisira mumwe wake. Nokuti sezvatakambokuyambirai, Tenzi anotsividza mune zvose izvi, uye nokuti

7Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene.

8Naizvozvo munhu anoramba izvi haasi kuramba vanhu asi ari kuramba Mwari anopa Mweya Mutsvene wake kwamuri.

9Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana.

10Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo

11uye kuvavarira kugara upenyu hwenyu chinyararire, muzive zvenyu, muchizvishandira namaoko enyu sokukuudzai kwatakaita

12kuti vokunze vakuremekedzei murege kupona nokubatsirwa navo.

Vapenyu navakafa pakuuya kwaTenzi

13Hama hatidi kuti munge musingazivi nezvavakafa kuti murege kusuwa sezvinoita vamwe vasina chitarisiro.

14Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa.

15Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere

16nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka.

17Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi.

18Naizvozvo potai muchinyaradzana namashoko iwaya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help