Nziyo 77 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rumbo rwunoimbwa maimbiro okwaJedhutumu. Rwiyo rwaAsafu.Munamato kuna Mwari ane tsitsi kana zvinhu zvaipa

1Ndinoridza mhere kuna Mwari,

mhere kuna Mwari kuti andinzwe.

2Nezuva rokutambudzika kwangu

ndinotsvaka TENZI.

Usiku ndinosimudza maoko angu

ndisinganeti,

mweya wangu unoramba kunyaradzwa.

3Ndinofunga Mwari ndigoungudza.

Ndikati rangarirei

mweya wangu unobva washaya simba.

Dzepfunde

4Usiku munoita kuti ndirare ndakasvinura

ndinobva ndatambudzika

zvokutotadza kutaura.

5Ndinombofunga nezvamazuva akare,

ndinoyeuka makore enguva yakare.

6Ndinozvibvunzurudza mumwoyo mangu usiku,

ndinorangarira ndichitsvagurudza

mumweya wangu.

7Mwari andirasa zvachose here?

Haachandifaririzve here?

8Mwoyochena wake wapera zvachose here?

Zvaakanditsidzira zvakabva zvapera here?

9Mwari akakanganwa kuita tsiye nyoro here?

Hasha dzake dzavhiringidza

tsitsi dzake here?

Dzepfunde

10Ini ndinoti chinhu chinondirwadza

kuti kuita kwaMwari zvine simba kwasanduka.

11Ndinoyeuka zviito zvaMwari.

Hongu ndinorangarira

zviito zvenyu zvepasichigare.

12Ndichanyatsofungisisa

mabasa enyu ose.

Ndigozvibvunzurudza nezvamabasa enyu esimba.

13Nzira yenyu Mwari itsvene

ndoupi mwari mukuru saMwari wedu?

14Muri Mwari anoita zvishamiso

makaratidza simba renyu

pakati pavanhu.

15Makanunura vanhu venyu

nesimba roruoko rwenyu

vana vokwaJakobho naJosefi.

Dzepfunde.

16Mvura payakakuonai Mwari,

mvura payakakuonai yakatya.

Hongu hwenje hwakadedera.

17Makore akadurura mvura,

matenga akatinhira,

miseve yenyu yakavaima mativi ose.

18Kupwatika kwemheni yenyu

kwakanga kuri muchamupupuri

mheni dzenyu dzaipenyesa pasi

nyika yakadedera ikandengendeka.

19Mugwagwa wenyu waipfuura nomugungwa;

nzira yenyu yaipfuura nomumvura zhinji,

asi tsoka dzapamakatsika hadzina kuoneka.

20Makatungamirira vanhu venyu sedanga rehwai

vari mumaoko aMosesi naAroni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help