Isaya 51 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Shoko raMwari rokunyaradza guta reJerusaremu

1“Nditeererei

imi munotevera ururami,

imi munotsvaka Tenzi.

Tarisai kudombo

kwamakakwakwanurwa

nokuziware kwamakacherwa.

2Hamuone here baba wenyu

Abhurahamu,

naSara akakuberekai?

Nokuti pandakamudaidza,

akanga achingova munhu mumwechete

ndikazomukomborera nokumupa

vana vazhinji,

3nokuti Tenzi achanyaradza

guta reZioni

achinzwira tsitsi

matongo aro ose

achaita kuti renje raro

rive seEdheni,

gwenga raro richiita

sebindu raTenzi.

Muchafarwa imomo muchipemberwa,

muchitendwa Mwari muchiimbwa.

4“Teererai kwandiri vanhu vangu

ndinzwei imi rudzi rwavanhu vangu

nokuti kwandiri ndokuchabva mutemo

noruenzaniso rwangu rwunopa chiedza kumarudzi.

5Nguva yangu yokununura

yava kutosvika izvozvi,

nguva yangu yokuti ndichiponesa

yatova kuuya izvozvi,

marudzi evanhu

achava mumaoko mangu,

ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni,

vava kungotarisira

kwandiri inini noruoko rwangu.

6Simudzai musoro

mutarise nameso enyu kumatenga,

mutarisewo panyika pasi pasi

nokuti matenga

achanyangarika soutsi,

pasi pachasakara sembatya,

vanhu vanogaramo

vachafawo senhunzi.

Asi kununura kwangu

kuchagara narini wose

uye kukunda kwangu

kuchavapo nokusingaperi.

7“Nditeererei munzwe

imi munoziva ururami,

vanhu vane mwoyo

une mutemo wangu,

regai kutya kushorwa navanhu

musatye kunyomba kwavo.

8Ndinodaro nokuti

vachadyiwa namabetepeswa sehembe

vachidyiwa nezviundudzi semvere.

Asi kukunda kwangu

kuchavapo nokusingaperi

uye kununura kwangu

kuchagara kuripo

zvizvarwa zvenyu zvose.”

Shoko rokuti Tenzi asimuke kuzonyaradza

9“Simukai, simukai

mukoke simba,

imi Tenzi

nesimba reruoko rwenyu

simukai somumazuva aye

epasichigare

mazuva aye ekarekare.

Hamusirimi here

makaita Rahabhu kanyama kanyama

muchibaya garanyanya riya?

10Hamusirimi here

makaomesa gungwa

mvura zhinji yehwenje chaiyo

muchiita kuti pasi pasi pegungwa

pave nenzira,

kuitira kuti vakanunurwa vapfuure.

11Ipapo vakanunurwa naTenzi vachadzoka,

vachauya kuZioni vachiimba

vaine rufaro rusingaperi mumwoyo

vachava nokupembera nokufara

kusuwa nokuyaura

zvichati ware kutiza.

12“Ini iyeni ndini ndinokunyaradzai,

chaunotyira munhu anofa chii

munhuwo zvake akaita souswa

13uchikanganwa Tenzi

akakusika

akawarira matenga

akaita ugaro hwenyika

uchiswerotya zvako

ukasha hwomunhu

anodzvanyirira,

iye akaisa mwoyo

mune zvokuparadza?

Hwava papiko ukasha hwomunhu

anobata vamwe zvakaipa wacho?

14Nyakumbonzi pasi kota kota

atobva asunungurwa izvozvi.

Haachapafa kana kudzika kuGomba

kunyange kushaya chokudya

15nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako

anobvundura gungwa

kuti masaisai aro atinhire.

NdiTenzi wehondo nehondo

ndozita rake irori.

16Ndaisa mashoko angu

mumuromo mako iwe

ndikakuhwandisa mumumvuri

weruoko rwangu,

matenga ndinoadzika

nyika ndichiitirawo ugaro hwayo

ndiri kuti kuguta reZioni,

‘Muri vanhu vangu.’ ”

Kupera kwenhamo dzeJerusaremu

17Muka Muka,

uti twii kumira

iwe guta reJerusaremu

iwe wakatumhiswa

neshamhu yeruoko rwaTenzi

mukombe wehasha dzake

iwe wakanwa namasese ese

kapfuko kezvakakudhadharitsa.

18Hapasisina nomumwe

anotungamirira Jerusaremu

pakati pevanakomana

vose zvavo varakabereka;

wokurisesedza noruoko hapasisina

pakati pevanakomana varo

vose zvavo varakarera.

19Zvinhu zviviri izvozvi izvi

zvakakuwira iwe

zvino ndiani achakubata maoko?

Ko paumharadzi nepakuparadza kwose uku

nepashangwa yenzara

nepamapakatwa ehondo

zvakakuwirai izvi, pakadai,

ndinokunyaradza ndakaita sei?

20Vana vako vacharukutika

vakati rakata kurara

pakona yoga yoga yomugwagwa

vachiita sengwarati

iri mumambure

Mwari ari kuvaonesa ndondo

nehasha dzake,

kuri kutsiudza kwaMwari wavo.

21Naizvozvo iwe Jerusaremu

teerera unzwe izvi,

iwe uri kuoneswa nhamo

iwe wakadai kudhakwa,

nezvisiri waini.

22Zvanzi naTenzi wako,

Tenzi, Mwari wako

anopipirira vanhu vake

nhuna dzavo,

“Chinzwa unzwe

ndobvisa mumaoko mako

mukombe waikudhadharitsa

nekapfuko kehasha dzangu

hauchazvinwazve.

23Asi vaikuonesa ndondo ivavo

ndivo vandava kupa muruoko

mukombe wenhamo iyoyo,

ivo vaikuti,

‘Zvambarara pasi

tifambe napamusoro pako,’

iwe ukanyatsoita kuti

musana wako

uti kwasvarara sepasi

uye somugwagwa

wavanofamba nawo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help