Nziyo 60 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, rumbo urwu rwunoimbwa maimbiro aRuva rouchapupu. Inhetembo yaDhavhidhi. Ndeyokudzidzisa nayo. Yakaitwa paakarwisana nevokuAramunaharaimu nevekuAramuzobha uye Joabhu paakauraya zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu Mubani roMunyu pakudzoka kwake.Munamato wokukumbira kununurwa

1Mwari makatirasa imi

mukaparadza zvatinozvidzivirira nazvo

makashatirwa.

Dai machidzokera zvenyu kwatiri.

2Makazunza nyika

mukaibvarura.

Namai mitswe yayo

nokuti iri kundengendeka.

3Makaita kuti vanhu venyu vatambure zvikuru;

makatipa waini yakatidzedzeresa.

4Makasimudzira vanokutyai mureza

kuti vahwande nechokwadi.

Dzepfunde.

5Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe,

tiponesei nesimba roruoko rwenyu

mutipindurewo.

6Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti,

“Ndichaganhura Shikemu ndichifara

ndichagovawo mapani eSukoti.

7Nyika yeGiriadhi ndeyangu

Manase ndeyangu

Efuremu inguwani yangu,

Judha ndiyo tsvimbo yangu youmambo

8Moabhu ndiyo mudziyo wangu

wokugezera,

pane yeEdhomu ndipo pandinokanda

shangu dzangu

Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.”

9Ko zvino ndiani anonditsvitsa

kuguta kunhare yokuzvidzivirira naro muhondo.

Ndiani achanditungamirira kuEdhomu?

10Hamuna kutirasa here

nhai Mwari?

Hamuchaperekedzi hondo dzedu, Mwari.

11Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu

nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.

12Kana Mwari anesu

tinorwisa zvine simba

ndiye achatsikatsika mhandu dzedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help