1 Nhoroondo 20 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kukurirwa kwakaitwa guta reRabha naDhavhidhi(2 Sam 12:26–31)

1Mumwaka wepfumvudza panguva inoenda madzimambo kuhondo, Joabhu akabuda nehondo vakandopamba munyika yevaAmoni vakaendawo vakakomba guta reRabha. Izvozvo Dhavhidhi aiva asara ari muJerusaremu. Joabhu akarwisa Rabha akarikurira.

2Dhavhidhi akatorera mambo wavo ngundu youmambo mumusoro. Akaona kuti yainge ichirema makirogiramu aikarosvika makumi matatu nemana iri yendarama. Yaive nerimwe dombo raikosha kwazvo. Yakadzikwa mumusoro maDhavhidhi. Akakukucha muguta imomo zvinhu zvakawanda kwazvo zvokupamba.

3Akatapamo vanhu vaivamo akavaisa pabasa rechibharo rokushanda namajeko namapadza namatemo. Ndozvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ose avaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu.

Kurwisana kwevaIsiraeri nedzimwe hofori dzechiFirisitia(2 Sam 21:15–22)

4Mushure maizvozvo kwakazomuka hondo nevaFirisitia kuGezeru. Sibhekai wokuHusha uya ndopaakauraya Sipai aiva mumwe wechizvarwa cheHofori, vaFirisitia vakabva vava kutongwa navamwe.

5Kwakazoita zvakare imwe hondo nevaFirisitia ndokubva Erihanani mwanakomana waJairi auraya Rahimi mukoma nomunun'una naGoriyati wechiGiti. Rwiriko rwepfumo rake rwainge mutandariko womuruki.

6Kwakazoitazve imwe hondo kuGati, ikoko kwaiva nerimwe zirume rino chairo. Mumaoko raiti uku minwe mitanhatu, uku mitanhatu, kutsokawo rakati uku zvigunwe zvitanhatu, uku zvitanhatu, pamwechete makumi maviri namana. Aivawo mumwe wechizvarwa chehofori.

7Paakatafurira Isiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei aiva mukoma nomunun'una naDhavhidhi akamuuraya.

8Ivava ava vaiva zvizvarwa zvehofori dzomuGati. Vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help