Jeremiya 12 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Sei vanhu vakaipa vachibudirira

1Tenzi, pandinokunyunyutirai,

imi ndimi munenge muri pachokwadi

asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso.

Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita?

Sei vanyengedzi vose vachibudirira?

2Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi.

Vanokura vagotobereka michero,

izvozvo musingabve pamuromo pavo,

asi mumwoyo mavo munenge imi musimo.

3Asi imi Tenzi munondiziva

munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri.

Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa

muvatsaurire zuva rorufu.

4Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo,

uswa huchisvava mumasango mose?

Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa

nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona.

5“Kana wakaneta kumhanya navanhu

ko kutozoti namabhiza uchakwikwidzana sei?

Kana uchiputsika munyika yakanaka kudai,

ko kutozoti mumapinga okuna Jorodhani uchaita sei?

6“Nokuti kana vakoma, navanun'una vako

vemba yokwababa vako;

kunyange ivavo vakaita zvounyengedzi kwauri

vari kutochema kuti vangakuwane sei,

usavanzwe kunyange zvavo

vachitaura mazwi akanaka kwauri.

Tenzi anochema vanhu vake

7“Ndapa gotsi imba yangu,

nhaka yangu ndaifuratira,

chido chemwoyo wangu ndachikanda

mumaoko mavavengi vacho.

8Kwandiri ini nhaka yangu

yaita seshumba zvayo yesango,

akandiitira pamuromo

ndokusaka ini ndava kutomuvenga.

9“Ko kwandiri ini, iye nhaka yangu

ava here shiri ina matsatsa matsatsa inodya nyama?

Akombwa here izvozvi neshiri dzinodya nyama?

Endai mundokokorodza mhuka dzose dzesango

muuye nadzo dzidye.

10Vafudzi vakawanda vakaparadza

munda wangu wemagirepisi

vakatsokodzera mugove wangu,

vachiita kuti mugove wangu wakanaka

uve renje risina chinhu.

11Vakauita kuti uve chinhu pasina

uri chinhu pasina kudaro unochema kwandiri.

Nyika iyoyi yose yangova nyika,

asi anombozvifunga hapana.

12“Pamitunhu yakatunhumara

pose zvapo, pasina miti

mugwenga'mu, mharadzi dzauya

nokuti hondo yaTenzi yebakatwa yoparadza,

kubvira kumuganhu wenyika ino kusvikira kwainoperera

hakusisina ane rugare.

13“Vakadyara zvavo koroni,

asi minzwa ndoyavakazokohwa, vakanetera pasina.

Vachanyara nezvaunokohwa

pari pamusana pehasha dzinotyisa dzaTenzi.”

Tenzi achatipura rudzi rusinganzwi

14Izvi ndizvo zviri kutaurwa naTenzi izvi, kune vamwe vangu vose vakaipa mwoyo vanotambanudzira ruoko nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsiraeri kuti ive yavo achiti, “Chiregai muone ndava kuvadzipura munyika yavo iyoyi, ndichadzura imba yokwaJudha mukati mavo.

15Mushure mokunge ndavatipura kudaro, ndichavanzwirazve ngoni ndigovadzorerazve mumwe nomumwe kunhaka yake uyezve mumwe nomumwe kunyika kwake.

16Chichavapo ndechokuti, kana vakazonyatsodzidzawo nzira dzevanhu vangu dzokupika nezita rangu vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu,’ sezvavaingoitawo kurunzira vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo ndopavachavaka vari mukati mavanhu vangu.

17Asi kuwana rudzi rusinganzwi, ndichanyatsorutipura ndirwuparadze, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help