Isaya 56 - Shona Common Language Bible(SCLB)

III: NDIMA YECHITATU YEBHUKU RAISAYAMamwe marudzi ose achavawo vanhu vaMwari

1Zvanzi naTenzi,

“Itai zvinhu noruenzaniso

muite zvakarurama

nokuti kukuponesai kwangu

kwava kutosvika

uye kukununurai kwangu

kwava kutoratidzwa pachena.

2Akakomborerwa hake

munhu anoita izvozvi

uye nomunhu anozvibatisisa

anochengeta Sabata

asingarin'orese,

asina twaanobata-bata.”

3Mutorwa akazvibatanidza naTenzi

ngaarege kuti,

“Tenzi achakaronditsaura

muvanhu vake,”

uye muyuniki ngaarege kuti,

“Pangu pano ndiri aniwo zvangu

muti zvawo wakaoma.”

4Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi,

“Vayuniki vanochengeta maSabata angu

vachisarudza kuita zvandinoda

vachichengetedza chitenderano changu,

5ndichaita kuti pave nechimwe chinovakwa

chokuyeuka nacho zita ravo

mukati memba yangu

nomukati metsvingo dzangu

chinokunda kuva navana

vakomana kana vasikana,

Ndichavapa zita risina mugumo

risingatsakatiki.”

6Vatorwa vose vanozvibatanidza

neni Tenzi nokundishandira

vachida zita reni

vachiva varanda vangu,

vose zvavo vanochengeta masabata

vasingaan'oresi

vachichengetedza chitenderano changu,

7ivava ndichavaunza kugomo rangu rinoera

ndigovaita kuti vafare

muimba yangu yokunamatira.

Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro

ndichazvigamuchira paatari yangu

nokuti imba yangu

ichanzi imba yokunamatira

yamarudzi ose avanhu

8Naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari

“Iye anounganidza vaIsiraeri vakadzingwa

ini ndichaunganidza kwavari

vamwewo vanhu vandinenge ndisina kuunganidza.”

Kushorwa kwavanhu vakuru veIsiraeri

9“Imi zvikara zvesango

uyai mudye,

uyai zvenyu imi zvikara zvomudondo.

10Vatariri vake mapofu,

zvokuziva havazivi

zvimumumu chaizvo zvembwa.

Havagoni kuhukura

vanotorotomoka zvavo,

chavo kurara chete

vachinakirwa nehope.

11“Imbwa idzi dzina makaro,

hadzimboguti,

ndivava vafudzi vacho

vasinganzwisisi,

vose vachiti uyu nenzira yake,

uyu nenzira yake

mumwe nomumwe achizvitsvagira

upfumi, vose zvavo.

12Vanototaurirana zvavo vachiti,

‘Handei tinotsvaka waini,

handei tinodutira hwahwa,

mangwana nyaya ndiyo ndiyo,

zvinenge zvisingambotauriki kuwanda.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help