Jobhu 33 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Erihu anotsoropodza zvaitaurwa naJobhuKutirira nhema kunorevei?

1“Zvino iwe Jobhu

chinzwa zvandava kutaura

uteere zvose zvandichareva.

2Hezvo ndava kuzarura muromo wangu

rurimi rwangu rwava kutaura mukanwa mangu.

3Zvandinotaura zvinobva mukutendeseka

kwemwoyo wangu.

Miromo yangu ichataura iri pachokwadi zvandinoziva

4nokuti Mweya waMwari ndiwo wakandisika

femo raSamasimba ndiro rakandipa upenyu.

5Kana muchikwanisa ndipindurei

nyatsondirongerai mashoko enyu.

6Chizvigadzirirai pana Mwari ndakangoitawo semi

kana neniwo ndaiumbwa nevhu.

7Saka hamuna chokunditya

uye kwandiri hapana chingakuremerei.

Kuzvipembedza imhosva

8“Ndakunzwai imi muchitaura ndichinzwa,

ndatonzwa ini maungira amazwi enyu

9muchiti ndakachena ini handina chikanganiso.

Ndakachena handina mhosva yandinayo

10asi Mwari anondipomera mhosva

anondiona semhandu yake.

11Anondisungirira makumbo mumatanda

achindigaririra munzira dzose.

12Mhinduro yandinokupai ndeyokuti

munaizvozvi hamuna imi kururama

Mwari mukuru kune munhu wose.

13Munoitirei nharo naye muchiti

haasikupindura zvose zvandiri kutaura.

Matauriro aMwari

14“Mwari anomboti taurei odzokororazve kaviri kaviri

kunyange munhu asingazvioni.

15Anogona kutaura muchiroto

kana muchioneso chousiku

munhu akabatwa chaizvo nehope

achikotsira pauriri hwake.

16Ndipo paanozarura vanhu nzeve

obva aona kuti chaanoda kuti

vadziidze vachidzidza,

17kuti munhu apinduke pane zvaanenge achiita

uye kuti munhu arege kuzvikudza.

18Anodzivirira munhu kuwira mugomba

uye kubaiwa nepfumo.

19Mumwewo anomutsiura nokumurwadzisa pabonde

nemapfupa anoramba achingogweda

20zvokuti chokudya chinosvibisa mwoyo

uye anosema machikichori.

21Anoonda zvokusara asisaoneki nyama

mapfupa akanga asingaoneki

achiti pachena charavanda.

22Anenge oswedera kuguva

uye upenyu hwake hwoswedera kuna vanouraya.

23Dai kuri kuti pane mutumwa,

mumiriri kudivi kwake mumwechete pakati pechiuru,

kutsanangurira munhu zvakamunakira.

24Zvino anomunzwira urombo oti

mununurei arege kuwira mugomba,

ndawana chokumununura nacho.

25Nyama yake angaiite zvayo seyapauduku

adzokere kusimba rake rouduku.

26Ipapo munhu achanyengetera kuna Mwari

Mwari agofadzwa naye

munhu anouya kwaari norufaro

Mwari achimudzorera ururami hwake.

27Ndopaachaita zvokuimba kwazvo

kuvanhu achiti,

‘Ndakatadza ini ndikaipisa zvakarurama

asi handina kuzvirangirwa.

28Akandinunura kuti ndirege kuenda mugomba

upenyu hwangu huchaona chiedza.’

Chinangwa chaMwari

29“Chionaika kuti Mwari anoita izvozvi zvose

kumunhu kaviri kaviri kana katatu.

30Kuti adzose mweya wake

kugomba kuya kuti awane chiedza chavapenyu.

31Zvino iwe Jobhu teerera

undinzwe, umbonyarara nditaurewo.

32Kana une chokutaura ndipindure

taura nokuti

chandinoda kuti iwe unzi wakarurama.

33Kana pasina, wochimbonditeererawo

wombonyarara zvako ndimbokudzidzisa ungwaru.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help