Nziyo 104 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kurumbidza Musiki

1Rumbidza TENZI mweya wangu

TENZI Mwari wangu

muri mukuru kwazvo,

makapfeka chiremera nembiri.

2Imi munozvifukidza nechiedza sehanzu,

imi makatambanudza denga setendhe.

3Imi makamisa mbiru dzedzimba dzenyu pamvura,

munoita makore ngoro dzenyu dzehondo,

munofamba muri pamapapiro emhepo.

4Munoita kuti mhepo dzive nhumwa dzenyu

muchiita moto namarimi vashandiri venyu.

5Makamisa nyika paugaro hwayo

kuti irege kumbozunguzwa.

6Makaifukidza nemvura yakadzika sehanzu

mvura yaifukidza makomo zvokutoapfuurira.

7Pamakaitsiura, mvura yakabva yatiza,

payakangonzwa kutinhira kwenyu yakatiza.

8Yakayerera pamusoro pamakomo

ichienda mumapani

kunzvimbo yamakaitemera.

9Makaimisira miganhu

yaisingafaniri kupfuura

kuti irege kufukidzazve nyika.

10Makaita kuti zvisipiti

zvitubuke mumapani,

mvura ichiyerera pakati pamakomo.

11Zvinopa mvura yokunwa

kumhuka dzose dzesango,

mbizi dzichitopedzawo nyota yadzo.

12Shiri dzinoita matendere adzo munyasi mayo,

dzinoimba mumapazi.

13Munodiridza makomo

muri kumusoro kwamunogara.

Nyika inogutswa nemichero

yebasa renyu.

14Munokudzira mombe uswa

uye mbeu dzokuti munhu arime

kuitira kuti aburitse zvokudya muvhu

15newaini yokufadza nayo mwoyo womunhu

namafuta okuti apenyese uso hwake nawo

nechingwa chokusimbisa mwoyo womunhu nacho.

16Miti yaTENZI inodiridzwa zvikuru;

miti yemisidhari yeRebhanoni yaakasima.

17Mairi, shiri dzinovaka matendere adzo

shuramurove mumasaipurasi

ndimo mumusha maro.

18Makomo marefu ndeembudzi dzomusango

mumatombo ndimo munovanda mbira.

19Makaita mwedzi kuti utare mwaka;

zuva rinoziva nguva yokudoka.

20Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku.

Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda.

21Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya

dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari.

22Kana zuva rabuda

dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo.

23Munhu anobudawo

achienda kubasa rake,

kumushando wake kusvikira manheru.

24TENZI hakusi kuwanda ikoko

kwakaita zvamakaita,

makazviita zvose noungwaru

nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25Ukowo uko hero gungwa

rakakura uye rakapamhama

rinebvakapfaka rezvinhu

zvisingaverengeki,

zvinhu zvipenyu zvidiki nezvikuru.

26Uko heyo ngarava iri kufamba

nezigaranyanya ramakasika

kuti mutambe zvenyu naro.

27Zvose izvozvi zvinotarisa kwamuri

kuti muzvipe zvokudya zvazvo

nenguva kwayo.

28Zvamunozvipa ndizvo zvazvinounganidza,

mukatambanudza ruoko rwenyu

izvo zvinobva zvagutswa nezvinhu zvakanaka.

29Mukangovanza uso hwenyu,

izvo zvinobva zvadumbirwa.

Mukabvisa femo razvo

zvinobva zvafa

zvichibva zvadzokera kuvhu kwazvo.

30Mukatuma mweya wenyu

zvinobva zvasikwa,

muchitobva mavandudza pasi.

31Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi

Mwari ngaafarire mabasa ake;

32iye anoti akatarisa pasi,

panobva pandengendeka,

akabata makomo,

anobva apwititika utsi.

33Ndichaimbira TENZI upenyu hwangu hwose.

Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu

ndiri mupenyu.

34Dai waro munamato wangu wokurangarira kwangu

kwangomufadza

nokuti ndinofara naMwari.

35Vatadzi ngavaparadzwe panyika

vakaipa ngavarege kuzovapozve.

Rumbidza TENZI iwe mweya wangu

TENZI ngaarumbidzwe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help