1 Nhoroondo 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvizvarwa zvokwaIsiraeri(Mav 35:23–26; 38:2–5; 46:12)

1Vana vakomana vaIsiraeri

ndiRubheni naSimeoni naRevhi naJudha

naIsakari naZebhuruni,

2kwouya Dhani naJosefi naBhenjamini naNafutari

naGadhi naAsheri.

Zvizvarwa zvokwaJudha

3Vanakomana vaJudha

ndiEru naOnani naShera. Ivava vatatu kudaro

ndovavakaberekerwa naBhatishua

mukadzi wechiKanani.

Asi pana Tenzi, Eru aiva munhu akanga akaipa mwoyo

nezvo Tenzi akamuuraya.

4Judha akaberekawo nomuroora wake

vana vanoti Feresi naZera.

Vana vaJudha ava vakomana, vose pamwechete vashanu.

5Vana vakomana vaPeresi:

ndiHezironi naHamuri.

6Vanakomana vaZera:

ndiZimuri naEtamu naHemani naKarikoru

naDhara, vose pamwechete vashanu.

7Vana vakomana vaKarumi:

ndiAkari wokuparira

Isiraeri nhamo uya nyakuita chitadzo

panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa

Mwari sechipo.

8Vanakomana vaEtani:

ndiAzariya.

Madzitateguru aDhavhidhi

9Vanakomana vakaberekwa naHezironi

ndiJerahimieri naRamu naKerubhai.

10Ramu ndiye baba:

waAminadhabhu. Aminadhabhu ndiye

baba waNahishoni jinda rezvizvarwa zvokwaJudha.

11Nahishoni ndiye baba waSarima,

Sarima ariye baba waBhoazi.

Bhoazi akabereka Obhedhi,

12Obhedhi akabereka Jese.

13Jese akabereka

dangwe rake Eriyabhu wechipiri ari

Abhinadhabhu wechitatu ari

Shimea,

14Natanieri ndiye wechina

Radhai ari wechishanu,

15Ozemu ariwo wechitanhatu

Dhavhidhi ari iye wechinomwe.

16Hanzvadzi dzavo ndiZeruya

naAbhigairi. Vanakomana vaZeruya

ndiAbhishai naJoabhu

naAsaheri vari vatatu kudaro.

17Abhigairi akabereka Amasa.

Baba vaAmasa uyu ndiJeteru wechiIshimaeri.

Zvizvarwa zvokwaHezironi(Josh 14:6)

18Karebhu mwanakomana waHezironi: akabereka vana

vakomana nomukadzi

wake ainzi Azubha nomumwe mukadzi wake ainzi

Jerioti. Vana vacho

ndiJesheru naShobhabhu naAridhoni.

19Pakafa Azubha, Karebhu

akaroora Efurati akamuberekera Huru.

20Huru ndiye baba waUri.

Uri ndiye baba waBhezarieri.

21Mushure maizvozvi, Hezironi akapinda mumba

nomwanasikana waMakiri

waakaroora ava namakore makumi matanhatu.

Iye akamuberekera Segubhu.

22Segubhu aiva baba waJairi,

uya aiva namaguta makumi maviri

namatatu mudunhu reGireadhi.

23Asi Geshuri naAramu vakavatorera Havhotijairi

neKenati nemisha

yaro maguta makumi matanhatu.

Vose ivava zvaiva zvizvarwa zvokwaMakiri

baba waGireadhi.

24Mushure mokufa kwaHezironi,

Karebhu akapinda mumba nomudzimai

wababa vake akamuberekera Ashihuru

baba waTekoa.

Zvizvarwa zvokwaJerahimieri(1 Sam 7:10)

25Vanakomana vaJerahimieri

dangwe raHezironi ndavava:

dangwe rake ndiBhuna kwouya Oreni

naOzemu naAhiya.

26Jerahimieri uyu aiva nomumwewo mukadzi ainzi

Atara ndiye amai vaOnamu.

27Vana vakomana vaRamu dangwe

raJerahimieri

ndiMaazi naJamini naEkeri.

28Vana vaOnamu: vakomana

ndiShamai naJadha.

Vanakomana vaShamai

ndiNadhabhu naAbhishuru.

29Zita romudzimai waAbhishuru ndiAbhikairi,

akamuberekera Ahibhani naMoridhi.

30Vana vakomana vaNadhabhu:

ndiSeredhi naApaimu. Seredhi akafa

asina mwana.

31Vanakomana vaApaimu:

ndiIshi. Vanawo vakomana vaIhi ndiSheshani.

Vanakomanawo vaSheshani ndiAhirayi.

32Vanakomana vaJadha: mukoma nomunun'una

naShama ndavava

vana Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina mwana.

33Vana vaJonatani: vakomana

ndiPereti naZaza. Ivava ndivo

zvizvarwa zvokwaJerahimueri.

34Zvino Sheshani akanga asina vana vakomana

asi vanasikana chete.

Asi Sheshani uyu aiva nomuranda wake

wechiIjipiti ainzi Jariha.

35Sheshani akaroodza

mumwe mwanasikana wake kuna

Jariha muranda wake.

Iye akamuberekera Atai.

36Atai: ndiye abereka Natani

baba waZabhadhi.

37Zabhadhi uyu ndiye aberekawo Efurari

baba waObhedhi,

38Obhedhi ndiye azoberekawo Jehu

baba waAzariya.

39Azariya akazoberekawo Herezi,

Herezi akaberekawo Eriyasa.

40Eriyasa ndiye abereka Sisimai

baba waSharumu.

41Sharumu akaberekawo Jekaniya

baba waErishama.

Zvizvarwa zvokwaKarebhu(Josh 14:6)

42Vanakomana vaKarebhu mukoma nomunun'una

naJerahimieri ndavava:

dangwe rake ndiMesha

baba waZifu.

Vanakomana vaMesha

ndibaba waHebhuroni.

43Vanakomana vaHebhuroni:

ndiKora naTapua naRekemu naShema.

44Shema ndiye abereka Rahamu,

baba waJorikeamu. Rekemu

ndiye baba waShamai.

45Vanakomana vaShamai ndiMaoni,

baba waBhetizuru.

46Uyewo Efa murongo waKarebhu:

akabereka Harani naMoza naGazezi.

Harani ndiye baba waGazezi.

47Vanakomana vaJaidhai:

ndavava ava vana Regemu naJotamu naGeshani naPereti

naEfa naShaafu.

48Maaka murongo waKarebhu:

ndiye akabereka Shebheru naTirihana.

49Akaberekawo Shaafu baba waMadhimana

naShebha baba waMakibhena nababa waGibhea.

Mwanasikana waKarebhu ndiAkisa.

50Izvozvi izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaKarebhu.

Zvizvarwa zvokwaHuru

Vanakomana vaHuru: dangwe

raEfurati

ndiShobhari baba waKiriatijearimu

51naSarima baba waBheterehemu:

naHerefu baba waBhetijadheru.

52Shobhari baba

waKiriatijearimu vaiva navamwe vanakomana

vokwaHaroe chikamu chevokwaMenuhoti.

53Mhuri dzokwaKiriatijearimu ndedzidzi idzi,

kunoti vokwaItira nevokwaPuti

nevokwaShumati nevokwaMishira

kwakabva vokwaZorati nevokwaEshitaori.

54Vanakomana vaSarima:

ndiBheterehemu nevokwaNetofati

naAtirotibhetijoabhu nechikamu

chevokwaManahati vechiZora.

55Mhuriwo dzavanyori vaiva vagari

vokuJabhezi ndedzidzi idzi,

kunoti vokwaTirati

nevokwaShimeati nevokwaSukati.

Ivava ndivo vaKani

vokwaHamati tateguru wemba

yokwaRekabhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help