Nziyo 46 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu rwiyo rwevekwaKora maererano namazwi echisikana okushaura: Rumbo urwu.Mwari anesu

1Mwari ndiye diziro redu nesimba redu.

Mubatsiri anogara ari padyo panguva yenhamo.

2Saka hatityi kunyange nyika ikasanduka

kunyange makomo akazunguzika

zvokuwira mukatikati megungwa,

3kunyange mvura yaro ikatinhira nokupupuma,

kunyange makomo akazunguzika zvawo

noruzha rwaro.

Dzepfunde

4Kune rwizi runotukova tunofadza guta raMwari;

nzvimbo yokugara inoera yoWokumusorosoro.

5Mwari ari mukati maro;

harichazombokurirwa.

Mwari acharibatsira kumambakwedza chaiko.

6Kunyange marudzi akaita zvawo bongozozo

uye umambo noumambo hukazungunutswa

anongotaura chete nezwi rake,

nyika ichibva yanyungudika.

7TENZI wehondo nehondo anesu

Mwari waJakobho ndiye diziro redu.

Dzepfunde

8Uyai muone mabasa aMwari

akaita zvisingatauriki panyika.

9Anomisa hondo kusvika

kwakaperera nyika,

anotyora uta achityoranisa mapfumo,

anopisa ngoro dzehondo nemoto.

10Nyararai muti zii muzive kuti ndiri Mwari,

ndinorumbidzwa pakati pamarudzi,

ndinorumbidzwa panyika.

11TENZI wehondo nehondo anesu

Mwari waJakobho ndiye diziro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help