1 Nhoroondo 24 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kugovaniswa basa kwakaitwa vapristi

1Zvikwata zvavanakomana vokwaAroni ndezvizvi izvi: vanakomana vaAroni ndiNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru.

2Asi Nadhabhu naAbhihu vakatangira baba wavo kufa. Vakafa vasina vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vakava vapristi.

3Dhavhidhi akabatsirwa naZadhoki mumwe wavanakomana vokwaEreazari naAhimereki mumwe wavanakomana vokwaItamaru akavaronganisa maererano namabasa avo pabasa ravo.

4Mumhuri yokwaEreazari maiva navatungamiriri vakawanda kupfuura vokwaItamaru. Ipapo vokwaEreazari vakarongwa muzvikwata gumi nezvitanhatu, vokwaItamaru vakarongwa muzvikwata zvisere.

5Pamusana pokuti muvanakomana vokwaEreazari navokwaItamaru makanga muine vakuru vakuru vepanzvimbo inoera navakuru vakuru vokwaMwari, kuti vavaise muzvikwata izvozvo vakashandisa nzira imwecheteyo yechin'ange.

6Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri muRevhi ndiye aivanyora pana vanhu ava vanoti: mambo namakurukota ake nomupristi Zadhoki naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzavaRevhi vachimboti torei mutungamiriri kumhuri yokwaEreazari vozotizve torei mutungamiriri kumhuri yokwaItamaru.

7Akatanga kubuda pachin'ange ndiJehoyaribhu

tevere Jedhaya

8wechitatu ari Harimu

wechina ndiSeorimu

9wechishanu Marikiya

wechitanhatu Miyamini

10wechinomwe ari Hakozi

wechisere ndiAbhiya

11wechipfumbamwe ndiJeshua

wegumi ariwo Shekaniya

12wegumi nechiposhi Eriyashibhu

wegumi nechipiri ndiJakimu

13wegumi netatu ari Hupa

wegumi nechina ariwo Jeshebheamu

14wegumi nechishanu ndiBhiriga

wegumi nechitanhatu ari Imeru

15wegumi nechinomwe ndiHeziri

wegumi nechisere ari Hapizezi

16wegumi nechipfumbamwe ndiPetahiya

wechimakumi maviri ari Jehezikeri

17wemakumi maviri nechiposhi ariwo Jakini

wamakumi maviri nechipiri ndiGamuri

18wamakumi maviri nechitatu ari Dheraya

wemakumi maviri nechina ndiMaaziya.

19Ivava ndivo vakapiwa basa rokupota vachipinda mumba yaTenzi namazoro avo avakaitirwa nababa wavo Aroni sezvaakanzi aite naTenzi, Mwari weIsiraeri.

20Vamwe vose vavanakomana vokwaRevhi ndavava ava:

kuvana vokwaAmuramu ndiShubhaeri

kuvana vaShubhaeri ndiJedheya.

21Pavana vokwaRehabhiya ndiIshiya mukuru wacho.

22Kune vokwaIzhari ndiSheromoti.

Vana vokwaSheromoti ndiJahati.

23Kuvana vakomana vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho

wechipiri ndiAmariya

wechitatu ari Jahazieri

Jekameamu ariye wechina.

24Kuvanakomana vaUzieri ndiMika

vanawo vaMika ndiShamiri.

25Ishiya mukoma nomunun'una naMika havanoi vanakomana vake. Pavana vaIshiya ava ndiZekariya.

26Kuvanakomana vaMerari vanaMahiri naMushi. Muvanawo vaJaaziya ndiBheno.

27Pavanawo vaMerari aberekwa naJaaziya vakatorwa ndiBheno naShohamu naZakuri naIbhuri.

28Kwotiwo kwaMahiri ndiEreazari, akanga asina vana vakomana.

29Kwozoti kune vokwaKishi ndiJerahimieri.

30Mwanakomana waMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti. Ivava ava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba.

31Vakaitawo chin'ange sezvakaitawo hama dzavo dzokwaAroni paiva navanhu ava vaiti mambo Dhavhidhi naZadhoki naAhimereki navatungamiriri vavo vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzevaRevhi. Vakoma navanun'una mumhuri idzodzi vakangoitirwa zvimwechetezvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help