Jeremiya 13 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Jira romutikisha rakatengwa naJeremiya

1Tenzi akandirayira kuti, “Enda utenge jira romutikisha uusungirire muchiuno mako, asi rega kuunyika mumvura.”

2Saizvozvo ndakatengawo jira romutikisha maereranowo neshoko raTenzi, ndikarisungira muchiuno mangu.

3Zvino shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rwechipiri rikati,

4“Tora jira riya romutikisha rawakatenga rawakasungira muchiuno, mako usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi urivige mumutswe wedombo ikoko.”

5Saizvozvo ini ndakaenda ndikandoriviga muna Yufuratesi sezvandakaudzwa naTenzi.

6Mushure memazuva akawanda, Tenzi akati kwandiri, “Chisumuka uende kurwizi rwaYufuratesi undotora ikoko jira romutikisha riya randakati urivige ikoko.”

7Ipapo ndakaenda kuna Yufuratesi ndikafukura ndikatora jira romutikisha riya paya pandakanga ndariviga onei jira riya ramvungunjika risisina basa.

8Izwi raTenzi ndoparakauya kwandiri richiti,

9“Zvanzi naTenzi saizvozvi ndokusakadzawo kwandichaita kuzvikudza kwaJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.

10Vanhu vakaipa ivava ava, vanoramba kunzwa zvandinotaura vanoita zvavo musikanzwa vachiita zvomusoro wavo. Vava kushandira vamwe vamwari vachivanamata vachaita sejira irori iri risisina basa.

11Chiripo ndechokuti sokunyatsobata kunoita jira iroro muchiuno chomunhu ndozvandakaita ini ndikaita kuti imba yose yokwaIsiraeri nemba yose yokwaJudha vanyatsoti kwati kwati neni kuitira kuti ndivewo navanhu uye kuti ndive nezita nomukurumbira nembiri. Asi vakaramba kuteerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Chirongo chose zvacho chewaini chichazadzwa newaini

12Zvaunofanira kuvataurira ndezvizvi zvokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Chirongo chose chichazadzwa newaini.’ Ivo vachakuti, ‘Ko isu hatizvizivi here kuti chirongo chose chichazadzwa newaini?’

13Saka iwe uvataurire kuti, zvanzi naTenzi, ‘Chomochiziva ndechokuti ini ndichararadzisa vagari vose venyika ino, madzimambo anogara pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi navapristi navaporofita navagari veJerusaremu vose.’

14Ndichavadhumanisa, madzibaba navana vavo vakomana pamwechete, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handisi kuzovanzwira tsitsi kana kuvarega kana kuvanzwira nyasha kuti ndirege kuvaparadza.”

Yambiro kuvanhu vanozvikudza

15Teererai munzwe, regai kuzvikudza

nokuti Tenzi ava kutaura.

16Ipai mbiri kuna Tenzi, Mwari wenyu

asati aunza rima,

musati matatarika

pamakomo paita karimarima

uye pamunotarisira kuwana chiedza,

iye ndopaanotoita kuti rive zarima

achiita kuti rive rima rakati kwirindindi.

17Asi kana mukarega kuteerera

ndichakuchemai zvangu muchivande

pamusana pokuzvikudza kwenyu

ndichisvimha misodzi

ichimokoteka zvinosiririsa

nokuti vedanga raTenzi vatapwa.

18Udza mambo namambokadzi wake kuti,

“Garai pachigaro chakazvidzika

nokuti mukurumbira wechiremba chenyu

wakutunuka mumusoro.

19Maguta okuNegevhu azarirwa;

hapasisina wokuazarura.

Judha yose zvayo yatapwa,

yose zvayo yaendwa nawo kuutapwa.”

20Simudzai musoro muone

vanhu vari kubva nokuchamhembe.

Varipi vedanga rawakanga wapiwa

vedanga rako rinoyevedza.

21Muchazoti kudii pavanenge

ivo vazviita vatungamiriri venyu

vamakadzidzisa imi pachenyu

kuti vave vashamwari venyu?

Hazvizokurwadzai here samarwadzo

omukadzi ari pakusununguka?

22Kana ukazozviti nechomumwoyo

zvauya sei kuti ndiwirwe

nezvinhu izvozvi izvi?

Chadariso, kukombodza kwouipi hwako

saka wafukurwa marokwe

wavawo kuitirwa zvoutsinye.

23Ko munhu muEtiopia

angasandure ganda rake here

kana iyo ingwe mavara ayo?

Kana zvakadaro iwewo ungatoitawo zvakanaka

iyewe wajairira kuita zvakaipa.

24Ndichakutii mwarara sehundi

iri kupeperetswa nemhepo yokugwenga.

25Ndochakowo ichochi,

mugove wandakukamurirawo

ndizvo zviri kutaura Tenzi

nokuti wakandikanganwa

ukavimba nezvinhu zvenhando.

26Ini iyeni ndichakufukura marokwe

ndikukwidibire uso nawo uonererwe.

27Ndakaona zvinhu zvako zvandisingade,

uye unzenza hwako nokuhwihwidzira somukono webhiza

noufeve hwako hwakafumuka

pazvikomo musango'mu.

Zvichakuwana Jerusaremu!

Kusvikira riniko wakangodai kun'ora.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help